RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w01 1/15 p. 32
  • Madzivisire Avanoita Kuda Kufanana Nevezera Ravo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Madzivisire Avanoita Kuda Kufanana Nevezera Ravo
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
w01 1/15 p. 32

Madzivisire Avanoita Kuda Kufanana Nevezera Ravo

CHIDO chokugamuchirwa nevamwe chinoita kuti vakawanda vabvumirane nokufunga uye zviito zvevezera ravo. Zvikurukuru vechiduku vanoda simba rokuramba zviito zvinokuvadza, zvakadai sokushandisa zvinodhaka zvisina kufanira nounzenza. Vangadzivisa sei kuda kufanana nevezera ravo?

Vasikana vaviri vari kuyaruka muPoland, munguva ichangobva kupfuura vakanyora kuti: “Mudzimu wenyika unooneka zvakajeka muvakawanda vezera redu. Vanobiridzira pabvunzo dzavo, vanoshandisa mutauro wakashata, vanoda zvipfeko zviri mufashoni uye nziyo dzoupengo, dzounzenza. Tinofara sei kuva nenyaya dzinotaura nezvedu isu vechiduku uye dzinotidzivirira pakupesvedzerwa nevari kuyaruka vasingagutsikani uye vanopandukira!

“Mashoko haagoni kuratidza kuonga kwatinoita nyaya dzomuNharireyomurindi dzakasimbisa kwatiri kuti sevechiduku tinodiwa uye tinokosheswa. Zano reBhaibheri ratakawana ratibatsira kutungamirira nhano dzedu zvakakodzera kuti tirambe tichifadza Jehovha Mwari. Tine chokwadi chokuti basa rokutendeka kuna Jehovha ndiyo nzira yakanakisisa youpenyu.”

Hungu, vechiduku vanogona kudzivisa kuda kufanana nevezera ravo. Nokurovedza “masimba avo okunzwisisa,” vaKristu vechiduku vanodzidza kuita zvisarudzo zvokuchenjera zvisingaratidzi “mudzimu wenyika” asi, “mudzimu unobva kuna Mwari.”—VaHebheru 5:14; 1 VaKorinde 2:12.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe