RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w01 1/1 p. 32
  • Mireniyumu Itsva ine Rugare Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mireniyumu Itsva ine Rugare Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
w01 1/1 p. 32

Mireniyumu Itsva ine Rugare Here?

GORE Remarudzi Ose Rokudzidzisa Zvorugare rakatangwa muParis uye muNew York City musi waSeptember 14, 1999. Izvi zvakaziviswa nokuda kwegore ra2000 paMusangano Mukuru weSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose. Federico Mayor aichimbova mutungamiriri mukuru weUNESCO, akakumbira zvepachokwadi “kuumba sangano romunyika yose rinodzidzisa zvorugare uye zvisiri zvechisimba.”

UNESCO ine chirevo chinoti “sezvo hondo dzichitanga mupfungwa dzevanhu, mupfungwa dzevanhu munofanira kuumbwa mafungire okuchengetedza rugare.” Maererano neizvi, sangano racho rinoda kusimudzira kudzidzisa rugare ne“dzidzo, kutaurirana uye kushandira pamwe.” VaMayor vakataura kuti hazvina kukwana “kuva norugare, kunyange kuvenga kurwisana, asi kuva vaiti vorugare.”

Zvinosuruvarisa kuti gore ra2000 rakanga riri kure chaizvo norugare. Nhau yazvino—kusanganisira zviitiko zvegore ra2000—yakaburitsa pachena kutadza kwomunhu kudzivisa hondo uye chisimba pasinei zvapo nezviito zvapachokwadi zvokudzivisa.

Zvisinei, zvinokosha kuti rugare chaizvoizvo rwakabatana nedzidzo. Anenge makore 2 700 apfuura, muprofita Isaya akafanotaura kuti: “Vana vako vose vachadzidziswa naJehovha, rugare rwevana vako ruchava rukuru.” (Isaya 54:13) Muprofita iyeyu akafanoona nguva apo vanhu vemarudzi ose vaizodirana kukunamata kwakachena kwaJehovha Mwari kuti vadzidze nzira Dzake. Zvichiguma nei? “Vachapfura minondo yavo vachiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rumwe rudzi harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa.” (Isaya 2:2-4) Maererano nouprofita uhwu, Zvapupu zvaJehovha zviri mubishi kuita basa rokudzidzisa romunyika yose ratobatsira mamiriyoni kukunda ruvengo rworudzi norwedzinza rwuri honzeri yehondo dzakawanda.

Pakupedzisira hondo dzichange dzisisipo pasi poUmambo hwaMwari, huchaunza rugare nokuchengeteka zvinogara narini panyika. (Pisarema 72:7; Dhanieri 2:44) Zvadaro, mashoko omunyori wepisarema achazadzika anoti: ‘Onai mabasa aJehovha, zvishamiso zvaakaita panyika. Unogumisa kurwa kusvikira pakuguma kwenyika.’—Pisarema 46:8, 9.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe