“Chimwe Chinhu Chinofanira Kuita Kuti Vanhu Vose Vafare”
TUVALU, imwe nyika yakanaka kwazvo inoumbwa nezvitsuwa zvipfumbamwe muSouth Pacific, ine vanhu vanogaramo vanenge 10 500. Kunyange zvakadaro, zvichiziva kuti Mwari “anoda kuti vanhu vose vaponeswe uye vasvike pazivo yakarurama yechokwadi,” Zvapupu zvaJehovha zvomunyika iyoyo zvaiva nechido chokuva namabhuku eBhaibheri mumutauro wazvo. (1 Timoti 2:4) Izvi zvakanga zvisiri nyore, sezvo pakanga pasina duramazwi romutauro wacho. Muna 1979, mumwe mumishinari weZvapupu zvaJehovha aishumira muTuvalu akaita basa racho. Iye nomudzimai wake vakagara neimwe mhuri yeimomo, vakadzidza mutauro wacho, uye vakatanga kuziva zvinoreva mamwe mashoko eTuvalu zvishoma nezvishoma. Pakasvika 1984, bhuku rinonzi Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano rakabudiswa mumutauro weTuvalu neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
Dr. T. Puapua, aimbova mutungamiriri wehurumende yeTuvalu, akanyora tsamba achitenda bhuku rinonzi Kurarama Nokusingaperi. Akanyora kuti: “Bhuku iri chimwezve chinhu chitsva uye chinokosha chawedzerwa ku‘nhaka’ yeTuvalu. Munofanira kufara kwazvo nezvamakaita—basa rinokosha kwazvo mukuvakwa kwoupenyu hwokunamata kwavanhu venyika ino. Ndinodavira kuti basa iri richanyorwa munhau yeTuvalu ine chokuita nokunyorwa kwamabhuku edzidzo. . . . [Basa] iri chimwe chinhu chinofanira kuita kuti vanhu vose vafare.”
Mashoko akaunganidzwa nomushanduri akaita kuti pazobudiswa duramazwi romumutauro weTuvalu nechiRungu muna 1993. Raiva duramazwi rokutanga ravanhu vose zvavo mumutauro iwowo. Munguva pfupi yakapfuura, National Language Board yeTuvalu yakakumbira mvumo yokurishandisa mukunyora duramazwi ravo rokutanga mumutauro wavo.
Kubva musi waJanuary 1, 1989, magazini yeNharireyomurindi inobuda kamwe pamwedzi yave ichibudiswa mumutauro weTuvalu. Kana uri kuverenga magazini ino mune mumwe mutauro usiri wako, wadii watarira papeji 2 woona kana rurimi rwako rwaamai rwuripowo pamitauro inobudiswa Nharireyomurindi? Kuiverenga mururimi rwaamai pasina mubvunzo kuchaita kuti uwane mumwezve mufaro.