RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w00 12/1 p. 32
  • Kubatana Kwezvitendero Kwava Pedyo Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kubatana Kwezvitendero Kwava Pedyo Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
w00 12/1 p. 32

Kubatana Kwezvitendero Kwava Pedyo Here?

“Tiri kupupurira zuva rinokosha zvikuru munhoroondo yemachechi edu,” akadaro Christian Krause purezidhendi weLutheran World Federation. Saizvozvowo, Pope John Paul II akataura nezve“danho rinokosha mumugwagwa wakaoma wokuumbazve kubatana kwakakwana pakati pevaKristu.”

Uku kutaura kwomufaro kwakakonzerwa nokusainwa kweOfficial Common Statement musi waOctober 31, 1999, muAugsburg, kuGermany, yaisimbisa Chiziviso Chomubatanidzwa cheDzidziso Yokururamisirwa naMwari (Joint Declaration on the Doctrine of Justification). Nguva nenzvimbo zvechiitiko chacho zvakanyatsosarudzwa. Zvinonzi musi waOctober 31, 1517, Martin Luther akaroverera pasuo rechechi huru yomuWittenberg pfungwa dzake 95 dzakanga dzakanyorwa, nokudaro achitanga Kuvandudza kwechiPurotestendi. Hapana mubvunzo kuti muAugsburg ndimo umo vaLutheran vakabudisa dzidziso yavo huru muna 1530, inonzi Zvitendero zveAugsburg, yakarambwa neChechi yeKaturike, zvikakonzera kupesana kusingagadzirisiki pakati pechiPurotesitendi nechiKaturike.

Chiziviso Chomubatanidzwa chichava danho rinokosha pakukunda kukamurana kwechechi sezvinotaurwa here? Havasi vose vaive nechivimbo. Nyanzvi dzedzidziso dzechiPurotesitendi dzinopfuura 250 dzakasaina chikumbiro chokuramba, dzichinyevera nezvokudzorwa neChechi yeKaturike. VaPurotesitendi vakatsamwawo apo Chechi yeKaturike yakazivisa nezvokukanganwirwa chaiko kwomugore ra2000, chiito chimwe chetecho chakakonzera kupesana makore 500 akapfuura. Saka sezvo Zvitendero zveAugsburg uye kukonwa kweKaturike, neDare reTrent zvichiri kushanda, kubatana hakugoni kuvimbiswa kuti kuchavapo.

Kupesana nokusabvumirana zviri muchiKristudhomu zvakakurisa zvokusagona kugadziriswa nokusainwa kwechiziviso chomubatanidzwa chipi nechipi. Uyezve, kubatana mukutenda kunobva muzvinodavirwa zvakavakirwa zvakasimba paShoko raMwari, Bhaibheri. (VaEfeso 4:3-6) Panzvimbo pokubva pakubvumirana pane zvisina kufanira, kubatana kwechokwadi kunobva mukudzidza nokuita izvo Mwari anotikumbira. “Marudzi ose avanhu anofamba, rumwe norumwe nezita ramwari warwo;” akadaro muprofita akatendeka Mika, “asi isu tichafamba nezita raJehovha Mwari wedu nokusingaperi-peri.”—Mika 4:5.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]

© Ralph Orlowski/REUTERS/Archive Photos

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe