RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w00 8/1 p. 32
  • Uchenjeri hwaMwari—Hunoratidzwa Sei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Uchenjeri hwaMwari—Hunoratidzwa Sei?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
w00 8/1 p. 32

Uchenjeri hwaMwari—Hunoratidzwa Sei?

“UCHENJERI hwomurombo hunoshorwa, namashoko ake haateererwi.” Namashoko aya, Mambo akachenjera Soromoni akapedzisa nyaya yomunhu murombo asi akachenjera akaponesa guta rose pakuparadzwa. Zvisinei, zvinosuruvarisa kuti, “hakuna munhu akarangarira munhu uyu murombo.”—Muparidzi 9:14-16.

Vanhu vanowanzoda kushora vanhu varombo, kunyange kana varombo ivava vakaita chinhu chinokosha. Izvi zvaiva zvechokwadi muchiitiko chaJesu. Isaya akaprofita nezvake kuti: “Wakazvidzwa, nokuraswa navanhu, munhu wokurwadziwa, wakaziva urwere.” (Isaya 53:3) Jesu akazvidzwa nevamwe nokuti chete akanga asina chinzvimbo nomukurumbira zvaiva navatungamiriri vomuzuva rake. Asi, aiva nouchenjeri hwaipfuura nokure hwomunhu upi noupi anotadza. Vanhu vomutaundi rokumusha kwaJesu vakaramba kubvuma kuti “mwanakomana womuvezi” uyu airatidza uchenjeri hwakadaro uye aiita mabasa esimba akadaro. Zvisinei, ikoko kwaiva kukanganisa kwakakomba, nokuti nhoroondo yacho inopfuurira kutaura kuti Jesu “haana kuita mabasa esimba akawanda imomo nemhaka yokusava kwavo nokutenda.” Kurasikirwa kwakadini kwavanhu ivavo!—Mateu 13:54-58

Tisakanganisawo zvakadaro. “Uchenjeri hunoratidzwa kuti hwakarurama nemabasa ahwo,” akadaro Jesu. Avo vari kuita basa raMwari uye vachipa uchenjeri hwokudenga vanoonekwa, kwete nemhaka yechinzvimbo chavo kana upenyu hwavo hwomunzanga, asi ne“chibereko chakanaka kwazvo” chavanoratidza—kutenda nezviito zvavo zvakavakirwa paBhaibheri.—Mateu 7:18-20; 11:19.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe