Ndiani Achagumisa Chisimba?
MUNA September 1999, Munyori Mukuru weSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose Kofi Annan akachingamidza nhume kumusangano wegore negore wechi54 weGeneral Assembly. Sezvakataurwa muThe Toronto Star, akaudza vatungamiriri venyika zvinofanira kuitwa, achiti: “Kune vanhu vakawanda vanoda zvinopfuura mashoko okunzwira urombo anotaurwa navanhu vomunyika dzose. Vanoda chibvumirano chaicho uye chinopfuurira chokubatsira kugumisa chisimba chavo chinogaroitwa, ndokuvaita kuti vave panzira yokunobudirira.”
Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose nenyika dziri nhengo dzaro ringapa “chibvumirano chaicho uye chinopfuurira” chinodiwa kugumisa chisimba here? Achidzokororwa zvaakataura nemagazini iyoyo inonzi Star, Purezidhendi weUnited States Bill Clinton akati: “Pashure pokudeurwa kwose kweropa kwomuzana rino remakore, tinoziva kuti zviri nyore kutaura kuti ‘hazvichamboitikizve,’ asi zvakaoma kwazvo kuti tiite kuti zvidaro.” Akawedzera kuti: “Kuvimbisa zvakanyanyisa hungava utsinye kungofanana nokuva nehanya zvishoma.”
Makore anodarika 2 500 apfuura, muprofita Jeremia akataura nezvezvinoitwa navanhu achiti: “Haiwa, Jehovha, ndinoziva kuti nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, anofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.” (Jeremia 10:23) Saka, itariroi iripo yokugumisa chisimba?
Sezvatinorava pana Isaya 60:18, Mwari anopa vimbiso yokuti: “Zvinoitwa nesimba hazvichazonzwiki panyika yako, kana kurashwa nokuparadzwa pamiganho yako.” Uprofita ihwohwo hwakazadzika kokutanga Mwari paakadzosa vanhu vake vakanga vatapwa kunyika yokumusha kwavo. Hunewo kuzadzika kukuru kwatingaona kuchiitika. Jehovha Mwari haasi “kuvimbisa zvakanyanyisa.” Zvaari Wokumusoro-soro noMusiki wavanhu, ari munzvimbo iri nani yokugumisa “chisimba chinogaroitwa.” Mukudzora kwoUmambo hwaMwari, rugare ruchapararira. Chisimba chichange chisisipo nokusingaperi!—Dhanieri 2:44.