Kuramba Takavimbika Kuna Jehovha
KUVIMBIKA, kunyange zvazvo kuri chinhu chinokosha chisingawanzowaniki nhasi, unhu hunoratidza vashumiri vaMwari wechokwadi, Jehovha. Munhu akavimbika anoramba akasimba mumuedzo uye asingazununguki pasinei zvapo nokufamba kwenguva. Funga nezvaMambo akanaka Hezekia. “Hakuna akanga akafanana naye pakati pamadzimambo ose aJudha, kune vakamutevera, kana vakamutangira,” rinodaro Bhaibheri. Chii chakaita kuti Hezekia ave akasiyana nevamwe? “Akanamatira Jehovha,” kunyange zvazvo aiva akapoteredzwa nevanamati vamwari wenhema Moreki. Hungu, Hezekia “haana kutsauka [pakutevera Jehovha]; asi akachengeta mirayiro yake, yakarayirwa Mosesi naJehovha.”—2 Madzimambo 18:1-6.
Muapostora Pauro aiva mumwe munhu akaramba akavimbika kuna Jehovha. Nhau youshumiri hwake inowanwa muMagwaro echiKristu echiGiriki inopa uchapupu hwakajeka hwokuvimbika kwaPauro mukuita basa romwoyo wose kuna Mwari. Upenyu hwake hwepasi pano hwava kunopera, Pauro aigona kuti nezvake: “Ndarwa kurwa kwakanaka kwazvo, ndamhanya kusvika kumugumo, ndachengeta kutenda.”—2 Timoti 4:7.
Mienzaniso yokuvimbika yakaisvonaka zvakadini yatinowana kuna Hezekia naPauro! Ngatitevedzerei kutenda kwavo nokuramba takavimbika kuna Mwari wedu Mukuru, Jehovha.—VaHebheru 13:7.