RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w00 5/15 p. 32
  • Vabereki Vanoramba Kusarura Kwomudzidzisi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vabereki Vanoramba Kusarura Kwomudzidzisi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
w00 5/15 p. 32

Vabereki Vanoramba Kusarura Kwomudzidzisi

Mudzidzisi wemagiredhi okutanga muCassano Murge, Italy, akatumira mapepa okunamira nevamwe vevaanodzidzisa. Mapepa okunamira aya, akanga achida kuiswa pasuo rapamberi, aive nechiziviso chokuti: “Tiri vaKaturike. Zvapupu zvaJehovha zvinokumbirwa kusagogodza pasuo rino.”

Vamwe vevabereki vevana vacho, kunyange vakanga vasiri Zvapupu zvaJehovha pachavo, vakaramba zvakasimba zvakaitwa nomudzidzisi uyu. Maererano nemagazini yenhau inonzi Muoviti Muoviti, vabereki vacho vakati ‘kupa vana mashoko akadai kunovaita kuti varambe munhu upi noupi asingafungi zvavanoita kana kusada kutamba nomumwe nokuti ane chitendero “chakasiyana.”’ Mumwe mubereki akanyorera kumagazini yacho akadana pepa rokunamira racho kuti “mbeu yamasora, mwanasikana wokusaziva uye wokupusa.”

Sezvinoratidzwa nomushumo uyu, vanhu vane pfungwa dzakanaka vanoziva ngozi dzokudyara mbeu dzokusarura. Vanoremekedzawo ushumiri hwechiKristu hunoitwa neZvapupu zvaJehovha muItaly yose uye pasi pose. Wadii kubvunza Zvapupu nokuda ‘kwechikonzero chetariro iri mazviri’? Zvichada kuikurukura newe kwazvo, zvichiita kudaro “noruremekedzo rukuru.”—1 Petro 3:15.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe