“Ndi[cha]poteredza Artari Yenyu Saizvozvo, Jehovha”
“NDICHASHAMBIDZA maoko angu ndisina mhosva; ndi[cha]poteredza artari yenyu saizvozvo, Jehovha.” (Pisarema 26:6) Nemashoko aya Mambo Dhavhidhi wekare akazivisa kuzvipira kwake kuna Jehovha. Zvisinei, nei aizo“poteredza” artari yaJehovha, uye mupfungwai?
Kana ari Dhavhidhi, musimboti wokunamata Jehovha yaiva tabhernakeri neartari yayo yezvipiriso yaiva yakafukidzwa nekopa, iyo yaiva paGibheoni, kuchamhembe kweJerusarema munguva yaaitonga. (1 Madzimambo 3:4) Artari yacho yaiva yakakura mamita 2,2 chete kumativi ose, duku kwazvo pane artari huru yaizovakwa muchivanze chetemberi yaSoromoni.a Zvakare, Dhavhidhi akawana mufaro mukuru mutabhernakeri neartari yayo, yaiva musimboti wokunamata kwakachena muIsraeri.—Pisarema 26:8.
Zvinopiwa zvinopiswa, zvibayiro zvokuyananisa, uye zvinopiwa zvechivi zvaiitirwa paartari, uye Zuva Rokuyananisa regore negore rairatidza zvibayiro zvaipiwa nokuda kworudzi. Artari nezvibayiro zvayo zvine zvazvinoreva nokuda kwevaKristu nhasi. Muapostora Pauro akatsanangura kuti artari yaimirira kuda kwaMwari, uko Akabvuma chibayiro chakafanira chorudzikinuro rwevanhu maererano nakwo. Pauro akati: “No‘kuda’ ikoku kwakataurwa takatsveneswa nokupiwa kwomuviri waJesu Kristu kamwe chete zvechigarire.”—VaHebheru 10:5-10.
Pavainge voda kushumira paartari, vapristi vaiva netsika yokushamba maoko avo mumvura kuti vazvichenese. Saka zvaiva zvakafanirawo kuti Mambo Dhavhidhi akashamba maoko ake ‘asina mhosva’ asati a‘famba achipoterera artari.’ Akaita “nomwoyo usinganyengeri, nokururama.” (1 Madzimambo 9:4) Kudai akanga asina kushamba maoko ake nenzira iyi, kunamata kwake—‘kufamba kwake achipoterera artari’—kungadai kusina kugamuchirwa. Zvechokwadi, Dhavhidhi akanga asiri muRevhi uye akanga asina ropafadzo yokuita mabasa omupristi paartari. Kunyange zvazvo aiva mambo, haana kutombobvumirwa kupinda muchivanze chetabhernakeri. Zvakare, somuIsraeri akatendeka, akateerera Mutemo waMosesi uye nguva nenguva aiunza zvinopiwa zvake zvokuratidza paartari. Akafamba achipoterera artari mupfungwa yokuisa upenyu hwake zvakazara pakunamata kwakachena.
Tingatevedzera here muenzaniso waDhavhidhi nhasi? Hungu. Isuwo tingashamba maoko edu asina mhosva ndokupoteredza artari yaMwari kana tikatenda muchibayiro chaJesu uye, ‘nemaoko akachena, nomwoyo wakanaka kwazvo,’ tikashumira Jehovha nomwoyo wose.—Pisarema 24:4.
[Mashoko Omuzasi]
a Artari iyoyo yaiva yakakura mamita anenge 30 kumativi ose.
[Mufananidzo uri papeji 23]
Artari yaimirira kuda kwaJehovha, kwaanogamuchira nakwo chibayiro chakafanira kuti vanhu vadzikinurwe