Akafira Nheyo
“TINOYEUKA August Dickmann (akaberekwa muna 1910), mumwe weZvapupu zvaJehovha.” Akatanga achidaro mashoko akanyorwa pabheji (raratidzwa pano) rakawanikwa nguva pfupi yapfuura mune waichimbova musasa wevasungwa weSachsenhausen. Nei mumwe weZvapupu zvaJehovha aizova akakodzera kuva nebheji rakadaro? Mamwe mashoko asara akanyorwa anotiudza nyaya yacho achiti: “Akapfurwa pamberi pevanhu vose neSS musi waSeptember 15, 1939, nemhaka yezvaaitenda.”
August Dickmann akapfigirwa mumusasa wevasungwa weSachsenhausen muna 1937. Mazuva matatu Hondo yeNyika II yatanga muna 1939, akarayirwa kuti asaine siripi rake rokupinda muhondo. Paakaramba, mutarisiri mukuru womusasa akataura naHeinrich Himmler, mukuru mukuru weSS (Schutzstaffel, muchengeti mukuru waHitler), ndokukumbira mvumo yokuuraya Dickmann pamberi pevamwe vasungwa vose vaiva mumusasa. Musi waSeptember 17, 1939, The New York Times yakashuma muGermany kuti: “August Dickmann, ane makore 29, . . . apfurwa kuno nechikwata chevapfuri.” Pepanhau racho rakati aiva munhu wokutanga wokuGermany akaramba kupinda muhondo iyoyo nemhaka yezvaaitenda.
Makore makumi matanhatu gare gare, musi waSeptember 18, 1999, rufu rwaDickmann rwakayeukwa neveBrandenburg Memorial Foundation, uye bheji rokuyeuka zvino rinoyeuchidza vashanyi nezvoushingi uye kutenda kwake kwakasimba. Bheji rechipiri riri pamudhuri wokunze pane waimbova musasa rinoyeuchidza vashanyi kuti Dickmann aingova mumwe bedzi weZvapupu zvaJehovha zvinenge 900 zvakatambura muSachsenhausen nokuda kwezvavaitenda. Vamwe vakawanda vakatambura mune mimwe misasa. Hungu, kunyange vari mumamiriro ezvinhu akaipisisa emisasa yevasungwa, vakawanda vakaramba vakatendeka kunheyo dzaMwari.
KuZvapupu zvaJehovha, mutoro wechiKristu ku“zviis[a] pasi pevane simba zvikuru [hurumende].” (VaRoma 13:1) Zvisinei, hurumende padzinoedza kuzvimanikidza kudarika mitemo yaMwari, zvinotevedzera muenzaniso wevaapostora vaKristu, avo vakati: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.” (Mabasa 5:29) Somugumisiro, munyika umo kuvengana kwemadzinza uye kworudzi zvakaita kuti pave noutsinye hunotyisa, Zvapupu zvaJehovha kwose kwose, saAugust Dickmann, zvinotsvaka rugare. Zvinotevedzera kurayira kweBhaibheri kunoti: “Usazvirega uchikundwa nezvakaipa, asi ramba uchikunda zvakaipa nezvakanaka.”—VaRoma 12:21.