Kupa Kunokosha Mumaziso aJehovha
Tsamba inotevera yakagamuchirwa nehofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha muMozambique:
“Ndiri mukomana ane makore manomwe. Ndichiri kuenda kuchikoro chepuraimari. Ndiri kutumira mari iyi yandakawana pakupfuwa huku. Ndakaitengesa ne$38,00. Ndinoonga Jehovha nokuita kuti huku yangu yokutanga kupfuwa ikure kuva jongwe. Ndingada kuti chipo changu chishandiswe nokuda kwebasa roUmambo hwaJehovha.
“PS: Baba vangu vandibetsera kunyora tsamba ino.”
Vamwe vanhu vanoti rupo nderwevaya vane zvinhu zvokunyama zvakawandisa. Zvisinei, patinorava nhoroondo yeBhaibheri yechirikadzi yakadonhedzera “mari mbiri duku dzaikosha zvishoma kwazvo” mumudziyo wokuisira mari, tinogona kunzwisisa kuti rupo runoyerwa, kwete nouwandu, asi nokuda kwokururama kwomwoyo.—Ruka 21:1-4.
Jehovha anoonga chipo chose chinobva mumwoyo unokonzerwa norudo, zvisinei nokuti chiduku sei. Uye anokomborera zvikuru vaya vanotevedzera rupo rwake nokupa nguva yavo, simba, kana zvinhu zvokunyama nokuda kwoUmambo hwake.—Mateu 6:33; VaHebheru 6:10.