RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w00 4/1 p. 32
  • Chiitiko Chinokosha—Uchavapo Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chiitiko Chinokosha—Uchavapo Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
w00 4/1 p. 32

Chiitiko Chinokosha—Uchavapo Here?

PANE rimwe zuva risingakanganwiki makore 3 500 apfuura, Jehovha Mwari akaita kuti mhuri yoga yoga yevaIsraeri vakanga vaitwa varanda muIjipiti iuraye gwayana kana mbudzi uye isase ropa rayo pamagwatidziro nechepamusoro pemasuo edzimba dzayo. Usiku ihwohwo, ngirozi yaMwari yakadarika dzimba dzakanga dzine chiratidzo chakadai asi yakauraya vakomana vaiva matangwe mudzimba dzose dzevaIjipiti. Zvadaro vaIsraeri vakasunungurwa. Pamusi wegore negore wokuyeuka chiitiko ichocho, vaJudha vave vachichengeta Paseka.

Jesu Kristu achangopedza kuchengeta Paseka yake yokupedzisira nevaapostora vake, akatanga zvokudya zvaizoyeuchidza rufu rwake rwechibayiro. Akatambidza vaapostora vake chingwa chisina kuviriswa ndokuti: “Torai, mudye. Ichi chinoreva muviri wangu.” Ipapo akavapa kapu yewaini akati: “Inwai, imi mose; nokuti iyi inoreva ‘ropa rangu resungano,’ richadururirwa vakawanda nokuda kwokukanganwirwa kwezvivi.” Jesu akatiwo: “Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.” (Mateu 26:26-28; Ruka 22:19, 20) Saka Jesu akarayira vateveri vake kuchengeta uku kuyeukwa kworufu rwake.

Gore rino, kuchengetwa kwegore negore kworufu rwaJesu kunoitwa musi weChitatu, April 19, zuva ranyura. Zvapupu zvaJehovha munyika yose zvichaungana pausiku uhwu hunokosha kuti zvichengete ichi Chirangaridzo munzira yakakumbirwa naJesu. Unokokwa kwazvo noushamwari kuti ubatane nesu sevacherechedzi. Tapota bvunza Zvapupu zvaJehovha zvomunharaunda yako kuti zvikuudze nguva yacho chaiyo nenzvimbo ichaitirwa musangano wacho.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe