Vanhu—Vanongova Havo Mhuka Dzakakwirira Here?
“Zvatinodavira nezvemavambo oupenyu zvinoita musiyano here?”
Mumwe musikana aiva nemakore 16 wokuBrazil akamutsa mubvunzo uyu musumo yehurukuro yake yaiva nomusoro unoti “Vanhu—Vanongova Havo Mhuka Dzakakwirira Here?” Akakumbirwa nomudzidzisi wake kuti ataurire kirasi nezvomubvunzo wacho, pashure pokunge mudzidzisi wacho agamuchira magazini yeMukai! yechingezi yaJune 22, 1998, yaiva nomusoro iwoyo.
Chapupu chiduku chacho chakasimbisa kuti dzidziso yemhindumupindu yakavakirwa pakuwirirana nemhoteredzo yave ichiparadza sei chaizvo. Somuenzaniso, vanhu vakawanda vanofunga kuti dzidziso yemhindumupindu yakaita kuti vamwe vaone hondo seyagara iri rutivi rwokutamburira kurarama kusingaperi, ichibatsira kugadzira nzira yokutanga kwechiFascist nechiNazi.
Mudzidzi wacho akaratidza kuti pane musiyano mukuru pakati pevanhu nemhuka. Akataura kuti: “Vanhu chete ndivo vanogona kuva nechido chezvinhu zvokunamata. Vanhu chete ndivo vanoedza kuwana zvinoreva upenyu uye chinangwa chahwo. Vanhu chete ndivo vanonetseka norufu, vanoda kuziva nezvemavambo avo, uye vanoda kurarama nokusingaperi. Zvinokosha sei kuti tishandise nguva tichitsvaka zvakati wandei nezvemavambo edu!”
Mudzidzisi wacho akarumbidza hurukuro yacho yakanga yakanaka. Akataura kuti yakanga yabudirira nechikonzero chokuti Chapupu chechiduku ichi chinoda kurava. Musikana wacho anozivikanwa kuchikoro somunhu anorava kwazvo magazini eBhaibheri akadai seMukai! neNharireyomurindi.
Zvapupu zvaJehovha zviri kunetseka zvechokwadi nezvemigumisiro iri kuva nedzidziso yemhindumupindu mumwoyo nepfungwa zvevechiduku. Nokuda kwechikonzero ichi, ungano inopinda musikana uyu yakakurudzira Zvapupu zviduku kupa kopi yemagazini yeMukai! yechiNgezi yaJune 22, 1998 kuvadzidzisi vazvo nevazvinodzidza navo. Magazini anenge 230 akaparadzirwa muzvikoro zvakasiyana-siyana muguta racho. Mukuru weDhipatimendi reSayenzi pane chimwe chikoro akanyoresa kugamuchira magazini yeMukai!
Hungu, zvatinodavira nezvemavambo oupenyu zvinoita musiyano! Wechiduku uyu neshamwari dzake vakaratidza kuti kudavira Musiki wavo kwakaita musiyano mukuru muupenyu hwavo.