Jehovha Achakurangarira Sei?
“NDIRANGARIREI, Mwari wangu.” Nguva zhinji Nehemia aiteterera Mwari namashoko iwayo. (Nehemia 5:19; 13:14, 31) Ndezvomuzvarirwo kuti vanhu pavanenge vachirwadziwa, vanotaura kuna Mwari nemashoko okuteterera akadaro.
Zvisinei, vanhu vanenge vachifungei pavanokumbira Mwari kuti avarangarire? Zvakajeka kuti vanotarisira kuti Mwari aite zvinopfuura kungoyeuka mazita avo. Pasina mubvunzo vanotarisira zvakafanana nezvakaita rimwe rematsotsi akaurayiwa pamwe chete naJesu. Uyu, kusiyana nomumwe wacho, akateterera Jesu kuti: “Mundiyeukewo kana mapinda muumambo hwenyu.” Aisangoda kuti Jesu amurangarire kuti aiva ani asiwo kumuitira chimwe chinhu—kumumutsa.—Ruka 23:42.
Nguva dzose, Bhaibheri rinoratidza kuti kuna Mwari, “kurangarira” kunoreva kuita chiito chakanaka. Somuenzaniso, pashure pokunge pasi rafukidzwa namafashamo kwemazuva 150, “Mwari akarangarira Noa . . . , Mwari akafambisa mhepo panyika, mvura ikaserera.” (Genesi 8:1) Mazana emakore gare gare, Samsoni, aitwa bofu uye akasungwa necheni nevaFiristia, akanyengetera achiti: “Mwari, ndirangarirei henyu, ndisimbisei henyu nguva ino bedzi.” Jehovha akarangarira Samsoni nokumupa simba rinopfuura romunhu kuti agozvitsiva pavavengi vaMwari. (Vatongi 16:28-30) Kana ari Nehemia, Jehovha akakomborera kuedza kwake, uye kunamata kwechokwadi kwakadzorerwa muJerusarema.
“Zvinhu zvose zvakanyorwa kare zvakanyorwa kuti tidzidze, kuti nokutsungirira kwedu uye nokunyaradza kunobva muMagwaro tive netariro,” akanyora kudaro muapostora Pauro. (VaRoma 15:4) Kana tikarangarira Jehovha nokutsvaka kuita kuda kwake, sezvakaitwa nevashumiri vake vakatendeka kare, tinogona kuva nechivimbo chokuti Jehovha achatirangarira nokutibetsera kuwana zvatinoda zvezuva nezuva, nokutitsigira mumiedzo yedu, uye nokutinunura paanotonga vasingadi Mwari.—Mateu 6:33; 2 Petro 2:9.