Gore Raparadzirwa Bhaibheri Kwazvo
VANHU vakawanda vava neBhaibheri kupfuura nakare kose. Ndizvo zvinotaurwa nemushumo weUnited Bible Societies, nokuti kuparadzirwa kweBhaibheri muna 1998 kwakawedzera neinopfuura hafu yemiriyoni kupfuura gore repashure pacho. Ose zvawo, maBhaibheri anopfuura 585 000 000—ringave riri rose kana kuti chikamu charo—akaparadzirwa munyika yose. “Ichi chimwe chikonzero chinokurudzira,” wakadaro mushumo wacho. “Vanhu vakawanda vari kunzwa Shoko raMwari nhasi.”
Zvechokwadi, pane musiyano pakati pokuva neBhaibheri nokurirava. Somuenzaniso, kumwe kuongorora, kwakaratidza kuti inopfuura 90 muzana yevanhu vokuAmerica vane Bhaibheri rinenge rimwe, uye nhamba yakaenzana neiyi inodavira kuti Bhaibheri ndiro rakanaka pakudzidzisa tsika. Zvisinei, 59 muzana ndiyo chete yakati inorava Bhaibheri nokuda kwezano. Uye 29 muzana yakabvuma kuti zvichida “havana kunyanya” kana kuti “havana zvachose” kujairana neBhaibheri.
Zvapupu zvaJehovha hazvingodhindi nokuparadzira maBhaibheri asiwo zvinoitisa fundo dzeBhaibheri dzepamusha pachena nevanhu munyika dzinopfuura 230. Mamiriyoni mupasi rose ari kubatsirwa zvino nepurogiramu iyi yokudzidza Bhaibheri. Vanobatsirwa kukunda zvinetso zvavari kutarisana nazvo zvino, uye vanodzidza zvinotaura Bhaibheri nezveremangwana rakajeka muUmambo hwaMwari.—Isaya 48:17, 18; Mateu 6:9, 10.
[Mufananidzo uri papeji 32]
Fundo dzeBhaibheri dzepamusha (tichitenderera kutangira kuruboshwe nechekumusoro) muBolivia, Ghana, Sri Lanka, neEngland