Apo ‘Mhepo Inenge Ichirwisana Nesu’
Mukutsanangura chiitiko chaicho chevadzidzi vaJesu pavaitamburira kuti vayambuke Gungwa reGarirea vari mugwa, munyori weEvhangeri Mako anoti vakanga vachinetswa nokukwasva kwavo, nokuti mhepo yairwisana navo. Achiri pamhenderekedzo yegungwa, Jesu akaona kutambudzika kwavo uye akafamba pagungwa nenzira inoshamisa kuti aende kwavari. Apo akapinda mugwa mavaiva, mhepo ikadzikama.—Mako 6:48-51.
Munyori weBhaibheri iyeyu akashuma kuti pane chimwe chiitiko chakatangira ichi, “dutu rine simba kwazvo rakamuka.” Ipapo, Jesu “akatsiura mhepo . . . , mhepo ikadzikama, kudzikama kukuru kukavapo.”—Mako 4:37-39.
Kunyange zvazvo isu nhasi tisina ropafadzo dzokuona zviitiko zvinoshamisa kudaro, tinogona kudzidza zvakawanda kwazviri. Sevanhu vasina kukwana vari kurarama munguva dzine ngozi, hatina kudzivirirwa pamhepo dzematambudziko. (2 Timoti 3:1-5) Kutaura zvazviri, padzimwe nguva tinganzwa kuti kurwadziwa kwakabatana nemiedzo yomunhu oga kunosvika pakuita sedutu rine simba zvikuru. Asi anotizorodza aripo! Jesu anotikoka achiti: “Uyai kwandiri, imi mose munoshanda zvakaoma uye makaremerwa, uye ndichakuzorodzai.”—Mateu 11:28.
Pazvinoratidzika kuti ‘mhepo iri kurwisana nesu,’ tinogona kuva ne“kudzikama kukuru” kwemwoyo. Sei? Nokuvimba nezvakapikirwa naJehovha Mwari zvisingakundikani.—Enzanisa naIsaya 55:9-11; VaFiripi 4:5-7.