RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 12/1 p. 32
  • Kutarisana Nezvinetso Zvokuva Mubereki

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutarisana Nezvinetso Zvokuva Mubereki
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 12/1 p. 32

Kutarisana Nezvinetso Zvokuva Mubereki

KURERA vana nhasi, kunyanya vaya vari mumakore euduku, chinetso chinotyisa vabereki. The Gazette yeMontreal, Canada, inotaura kuti kuedza doro nezvinodhaka zvazova “zvinhu zvenguva dzose kuvayaruki.” Inokurudzira kuti vabereki vave “nemutoro wekuva vakashinga nezvekuchinja kunoita unhu hwevaduku [vavo].”

Chii chinofanira kutariswa nevabereki chingaratidza zvinetso zvakadaro zvokuyaruka? Zvimwe zviratidzo zvinonyevera zvemuviri, zvepfungwa, nezvenzanga zvakacherechedzwa neSangano Rinodzidza Nezvezvinetso Zvevana Nezvevari Kuyaruka rokuAmerica zvinobatanidza kuneta kukuru, kuchinja kweunhu nemafungire, kupedza nguva yakawanda kwazvo vakazvikiyira mumba yekurara, kupishana kwepfungwa, uye kupinda mutsekwende nemhaka yekutyora mutemo.

Vabereki vanogona sei kudzivirira vana vavo pakuedza kwakadaro kunokuvadza nemigumisiro yakwo yakaipa? Dr. Jeffrey L. Derevensky, weYunivhesiti yeMcGill, anofunga kuti kukurukurirana kwakasununguka nekusimbisa kuremekedzana mukati memakore ekutanga emwana zvingaderedza zvinetso gare gare. The Gazette inowedzera kuti kunyange zvazvo chido chekuda kusununguka chichitanga munguva yekuyaruka, vaduku vanoda kuwana “nhungamiro, tsigiro, kurongerwa uye rudo zvevabereki vavo.” Zvakacherechedzwa izvi zvinotsigira chirevo cheBhaibheri chinoti: “Rovedza mwana nzira yaanofanira kufamba nayo, ipapo kunyange akwegura haangatsauki pairi.” (Zvirevo 22:6) Mwari anopa vabereki zano rokuti vave mienzaniso, shamwari, vakurukuri, uye vadzidzisi.—Dheuteronomio 6:6, 7.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe