“Kushanyira Kwangu Horo yoUmambo”
Laura,a mumwe mudzidzi wepakoreji, akapiwa basa rokunopinda munamato weimwe chechi uye kuti anyore mushumo wechiitiko chacho. Akasarudza Zvapupu zvaJehovha uye akapa rondedzero yake musoro unoti: “Kushanyira Kwangu Horo yoUmambo.” Chii icho Laura akaona chakasiyana paZvapupu? Pakati pezvinhu zvizhinji zvaakataura paiva nezvinotevera.
Vana: “Vana vose vaive mukamuri rimwe navakuru. Mumachechi ose andakambopinda, vana vanosiya vabereki vavo ivo vachinopinda Sandesikuru.”
Kuwirirana kwemarudzi: “Kazhinji kacho, machechi anokwezva nhengo dzerumwe rudzi, kana kuti dzinza. . . . Asi Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvakagara pamwe chete kwete mumapoka akakamukana.”
Kugamuchirwa kwakanaka: “Vanhu vakawanda vakauya kuzotaura neni. . . . Vamwe vakatondibvunza kana ndaidzidza Bhaibheri nemumwe munhu. Asi handina kunzwa sevaindimanikidza. Vakasiira . . . chisarudzo chacho kwandiri.”
Paisava nokuunganidza mari: “Chinhu chimwe chakandishamisa ndechokuti hapana munhu akapemha mari yekutsigira chechi. . . . Kumachechi kwandakamboenda vaitora mari kunyange kumakirasi evana vaduku.”
Pane ungano dzeZvapupu zvaJehovha dzinoda kusvika 90 000 kupota nyika yose. Kuregererei kushanyira iri pedyo newe?
[Mashoko Omuzasi]
a Zita rekutsiva.