RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 11/15 p. 3
  • Bhaibheri Rinogona Kutibatsira Here Nhasi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri Rinogona Kutibatsira Here Nhasi?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Mashoko Akafanana
  • Bhuku Risingafungwi Nezvaro Nevechiduku Vakawanda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Kubetserwa Nokurava Bhaibheri Zuva Nezuva
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Kuravirei Bhaibheri?
    Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?
  • Ungaita Sei Kuti Unyatsobatsirwa neBhaibheri?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 11/15 p. 3

Bhaibheri Rinogona Kutibatsira Here Nhasi?

“TIKATORA Bhaibheri rose zvaro, chinenge chikamu chimwe muzana chakakodzera kurava, asi zvimwe zvose hazvina basa uye ndezvechinyakare.” Rakadaro rimwe jaya. Vakawanda vangabvumirana naro. Kunyange Bhaibheri richipfuurira kuva bhuku rinotengwa kukunda mamwe munyika yose, mamiriyoni haanyanyi kufunga nezvaro uye haana kujairana nezvarinodzidzisa.

Munyaya yaro ya1996 yeKrisimasi, pepanhau rekuGermany rinonzi Süddeutsche Zeitung rakatsinhira kuti Bhaibheri riri kuva “nevaravi vari kuramba vachiderera. Munguva ino yemarudzi akasiyana-siyana esayenzi uye kuwedzera kwezvinoitwa munyika yose, nhau dzemuBhaibheri dzinoita sedzinoshamisa uye dzakaoma kunzwisisa kune vakawanda.” Kuongorora kwakaitwa kunotsigira mushumo uyu. Kumwe kuongorora kunoratidza kuti nhamba huru yevana haitombozivi chaizvoizvo kuti Jesu ndiani. Mune kumwe kuongorora, vasingasviki hafu yevanhu vakabvunzwa ndivo vaikwanisa kutsanangura nyaya yemwanakomana mupambadzi uye muSamaria ane ushamwari.

Bhuku reSwiss Evangelical Church rinonzi Reformiertes Forum rinoti kudiwa kweBhaibheri muSwitzerland kwasiyana nezvakwaive kwakaita. Kunyange pakati pevane Bhaibheri, rinowanzoita huruva riri pasherufu. MuBritain mamiriro ezvinhu haana kusiyana. Maererano nekumwe kuongorora, kunyange vanhu vazhinji vaine Bhaibheri, vazhinji kwazvo havana kumborirava.

Asiwo, mamiriyoni munyika yose anofunga nezveBhaibheri nenzira yakasiyana. Anoriona seShoko raMwari uye anoti rinokosha uye rinobatsira. Nokudaro, anorirava nguva dzose. Mumwe mukadzi wechiduku akanyora kuti: “Ndinoedza kurava chitsauko chimwe kana zviviri zveBhaibheri zuva rimwe nerimwe. Ndinonakidzwa naro zvikuru.” Vanhu vakadaro vanonyatsoteerera zvinodzidziswa neBhaibheri, uye vanoedza kushandisa zano raro muupenyu hwavo. Vanodavira kuti Bhabheri rinogona kuvabatsira munyika ino yatambura.

Iwe unofungei? Bhaibheri harina basa mumazuva ano here? Kana kuti rinokosha uye kuti rinobatsira here? Bhaibheri rinogona kutibatsira here nhasi?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe