RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 10/15 p. 32
  • “Kusimba Kwounhu Kunotsigirwa Nokutenda”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Kusimba Kwounhu Kunotsigirwa Nokutenda”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 10/15 p. 32

“Kusimba Kwounhu Kunotsigirwa Nokutenda”

MUGORE ra1998 kwakabudiswa bhuku idzva muchiFrench rine musoro unoti Les Témoins de Jéhovah face à Hitler (Zvapupu zvaJehovha Pamberi paHitler), rakanyorwa naGuy Canonici, rakatsoropodzwa zvikuru nevashori. Mumashoko ake okusuma bhuku racho, munyori wenhau wekuFrance anoremekedzwa zvikuru François Bédarida akanyora kuti: “Iri ibhuku rakanaka zvikuru. Kwete chete nokuti rinozadzisa panga pasina chinhu, asi nokuti nguva yarauya yakanaka. . . . Kunze kwenyanzvi, ndivanaani vanoziva nhamo yakaonekwa neZvapupu zvaJehovha mukudzora kweParamende Yechitatu yeGermany? Asi, mukutonga kwose kwemakore 12, zvakatambudzwa noutsinye hwakaoma uye nechisimba. Naizvowo zvakaona nhamo yemumisasa yevasungwa. Naizvowo zvakabhadhara mutengo mukuru nokuda kwokutenda kwazvo uye zvazvaidavira. Nei vaKristu ava vakanganwikwa? . . .

“Nei kwaiva nokutambudzwa kwakadaro kwoutsinye uye kwakarongwa kwesangano duku, rakapararira, uye risingakuvadzi? Apa ndipo chaipo pane kupesana kwacho. Zvapupu zvaiva muGermany zvakanga zvisingangomiririri chete vashomanana vevanhu vaiva munyika yacho—nhamba yakawanikwa inoratidza kuti zvinenge zvaiva 20 000 nokuda kwemamiriyoni 60 evanhu vaigara munyika—asi zvose zvaiva vanhu vanogara munyika vaiva norugare vairemekedza mutemo uye vaisatyisidzira munhu chero upi zvake, vaingoda chete kushanda nokurera vana vavo zvakanaka. . . .

“Kutambudza uku kwakasangana nokudzivisa mumudzimu kwakaoma uye kunobudirira kwevatendi vanokwanisa kukwikwidzana nesimba rokudzvinyirira kwokunze nesimba romukati rokutenda kwavo Jesu Kristu, kutanga nechisimba chaicho cheNyika inodzorwa nemapurisa—kusvikira kukuva gamba nokufira kutenda.”

Nyaya yeZvapupu zvaJehovha zvakafira kutenda kwazvo kwechiKristu zvakatarisana nokusadiwa kwechitendero ihombe. Richidzokorora bhuku racho, pepanhau reKaturike rakakurumbira zvikuru rokuFrance, La Croix, rakawedzera zvinoorora kuti: “Nezvenhau yazvo inozivikanwa zvishoma, Guy Canonici aunganidza uchapupu hwakawanda hunosiya munhu asina romuromo paanoona simba rounhu rinosimbiswa nokutenda kunoratidzwa mumashoko ari nyore zvikuru, kutenda kwakanga kusingaputsiki kusvikira pamugumo kunyange muvana. Kuyeuka uku kunofanira kuratidza mamiriro ezviri kutaurwa pamusoro porudzi rwevaKristu rwuri Zvapupu zvaJehovha.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe