RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 10/1 p. 32
  • ‘Vaitya Mwari Wechokwadi’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Vaitya Mwari Wechokwadi’
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 10/1 p. 32

‘Vaitya Mwari Wechokwadi’

VAISRAERI pavaiva muuranda muEgipita, vananyamukuta vechiHebheru Shifra naPua vakaomeserwa. Achiedza kudzora kuwedzera kukuru kwevatorwa, Farao akarayira vakadzi ava kuti: “Kana muchibatsira vakadzi vavaHebheru pabasa ramadzimbuya, . . . , kana ari mwanakomana mumuuraye.”—Eksodho 1:15, 16.

Shifra naPua ‘vaitya Mwari wechokwadi,’ saka vakashinga, “[v]akasaita sezvakarayirwa namambo weEgipita.” Asi, vakachengeta vakomana vacheche vari vapenyu, kunyange zvazvo kuita kwoushingi uku kwaigona kudai kwakavaisa pangozi. Jehovha “akaitira madzimbuya zvakanaka,” uye akavapa mubayiro wemabasa avo akaponesa upenyu.—Eksodho 1:17-21.

Nyaya iyi inoratidza kuonga kwaJehovha vanhu vanomuitira basa. Angadai akaona zvakaitwa naShifra naPua, kunyange zvazvo zvaive zvoushingi, sebasawo zvaro romutsa rokubatsira vanhu. Inga wani hapana mukadzi ane pfungwa dzakakwana anouraya vacheche! Kunyange zvakadaro, Jehovha pasina mubvunzo akarangarira kuti vamwe vanhu, vachitya munhu, vakaita zvisakaitwa. Aiziva kuti vananyamukuta ava vaisundwa kwete bedzi netsitsi sevanhuwo asi nekutya Mwari uye kuzvipira kwaari.

Tinogona kufara sei kushumira Mwari anoona mabasa edu okutendeka! Chokwadi, zvimwe hapana mumwe wedu akatarisana nemuedzo wekutenda wakaonekwa naShifra naPua. Asi, patinotsigira zvakarurama—mungava muchikoro, kubasa kwedu, kana kuti mune mamwe mamiriro ezvinhu api neapi—Jehovha haarerutsi rudo rwedu rwekuvimbika. Kusiyana neizvozvo, iye “unopa vanomutsvaka mubayiro wavo.” (VaHebheru 11:6) Hungu, “Mwari haasati ari usakarurama, ungakanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake, zvamakashumira vatsvene, muchivashumira nazvino.”—VaHebheru 6:10.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe