“Murume Anofara Wemudzimai Akanaka”
PANGUVA nenguva, vamwe vanhu vanopomera zvakananga Zvapupu zvaJehovha kuti zvinoputsa dzimba. Zvisinei, kubudirira kwedzimba dzakawanda dzine mumwe bedzi wevakaroorana ari Chapupu chaJehovha kunoratidza kuti izvi handizvo chaizvoizvo. Kuteerera zano reBhaibheri muupenyu hwemhuri kunoita kuti dzimba dzacho dzifare, sezvinoratidzwa netsamba inotevera yakabudiswa mupepanhau rekuFrance.
“Zvino kweanenge makore 28, ndave ndiri murume anofara wemudzimai akanaka, ari mumwe weZvapupu zvaJehovha. Akarera vana vangu vashanu, vaviri vavo vaive vasiri vaakabereka, achivatarisira zvakaenzana nokuvada zvikuru. Panguva ino ndiri mukuru mukuru wekambani ine vashandi 45, ndinogona kukutaurirai nechivimbo kuti akandibetsera kwazvo kuti ndibudirire kubasa rangu. Ndokusaka pandakaona imwe nyaya mupepanhau randinowanzorava ichitsanangura kuti Zvapupu zvaJehovha zvinotyisidzira ruwa rweLot-et-Garonne, ndakati zvakanaka kuti ndikupei uchapupu hwechokwadi.”
Tsamba yacho inotiwo: “Izvo hazviputi kana kuti kudhakwa. Ndizvo zvinganzi kutyisidzira here? Izvo vaKristu vanoshivirira navasingamanikidziri munhu upi noupi kuti atevere mitemo yazvo. Asi, zvine muenzaniso wakanaka munzira dzakawanda. . . . Hazvibatanidzwi mukuba mari kana kuti mukutengesa zvinodhaka zviri kunze kwemutemo. Izvo hazvipikiri kusaroora kana kuti kusaroorwa, uye ndinogona kukutaurirai nechivimbo kuti, zvinorarama upenyu hwakanaka. . . .
“Munogona kundibvunza kuti: Saka iwe pachako nei usiri mumwe weZvapupu zvaJehovha? Nemhaka yekuti kutenda kwechiKristu netsika zvinodiwa, uye kuvanhu vazhinji izvi zvakaoma kuita.”