“Kana Munyu Wadurungunda”
HONDO dzakarwiwa pamusoro pawo. Waimboshandiswa semutoo wekutsinhana. MuChina yekare waingova wechipiri kundarama pakukosha. Hungu, munyu wakabvira kare uchionekwa nevanhu sechinhu chinokosha zvikuru. Nanhasi, unonzi unorapa uye une zvinhu zvinouraya utachiona, uye unoshandiswa munyika yose kuwedzera kunaka kwezvokudya nekuzvichengetedza.
Tichifunga nezvezvinhu zvakawanda zvinodiwa uye kushanda kwemunyu, hazvishamisi kuti unoshandiswa nenzira yokufananidzira muBhaibheri. Somuenzaniso, Mutemo waMosesi, waida kuti chipi nechipi chaipirwa kuna Jehovha paartari chaifanira kurungwa. (Revhitiko 2:13) Izvi zvakanga zvisingaitirwi kuwedzera kunaka kwezvibayiro, asi zvimwe nemhaka yekuti munyu waimirira kusununguka pauipi kana kuti pakuora.
Mumharidzo yake yapaGomo yakakurumbira, Jesu Kristu akati kuvateveri vake: “Imi muri munyu wenyika.” (Mateo 5:13) Nemashoko aya, Jesu aireva kuti kuparidza kwavo kuna vamwe nezveUmambo hwaMwari kwaigona kuchengetedza, kana kuti kuponesa upenyu, hwavateereri vavo. Zvechokwadi, avo vaizoshandisa mashoko aJesu vaizodzivirirwa pakuora mutsika nemumudzimu munzanga mavaigara uye mavaishanda.—1 Petro 4:1-3.
Zvisinei, Jesu akapfuurira kunyevera achiti: “Asi kana munyu wadurungunda, . . . hauchabatsiri chinhu, asi kurasirwa kunze, utsikwe navanhu.” Ichitsinhira izvi, nyanzvi yeBhaibheri Albert Barnes yakati munyu waizivikanwa naJesu nevadzidzi vake “waiva usina kuchena, wakasangana nezvirimwa uye zvinhu zvinowanikwa muivhu.” Saka kana munyu wairega kuvavira kwawo, “zvinhu zvemuivhu zvakati wandei” zvaigona kusaririra. “Izvi,” Barnes akadaro, “zvaiva zvisingabetseri kunze kwekuti . . . zvaiswa munzira, kana kuti munofamba nevanhu, sekushandisa kwatinoita ivhu.”
Vachiteerera nyevero iyi, vaKristu vanofanira kungwarira kusarega kupupurira kwavo kwapachena kana kuti kudzokerazve kumufambiro usinei naMwari. Zvikasadaro vangaderera mumudzimu ndokuva vasingabetseri, se‘munyu wakadurungunda.’