RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 8/15 pp. 3-4
  • Unoda Upenyu Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unoda Upenyu Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Mashoko Akafanana
  • “Zvakafanira Vanhu Vose”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Upenyu Hwako—Donzo Rahwo Chii?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Chii Chinoita Kuti Upenyu Huve Nechinangwa?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Kurarama Upenyu Hune Chinangwa Iye Zvino Uye Nokusingaperi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 8/15 pp. 3-4

Unoda Upenyu Here?

“REGAI ndione chiedza.” Aya ndiwo mashoko anonzi akataurwa naGiacomo Leopardi, mudetembi wekuItaly, kuvaimutarisira ava kutofa. Mashoko acho anoratidza kuda upenyu zvikuru kwemunhu, hunomirirwa nechiedza.

Kuda upenyu kunzwa kwakasimba kunokosha kunoita kuti vanhu vakawanda vadzivise njodzi nokuita zvose zvavanogona kuti varambe vachirarama. Munhau iyi, munhu haana kunyanya kusiyana nemhuka, dzine kunzwa kwakasimba kwemuzvarirwo kwekurarama.

Asi upenyu hwerudzii zvechokwadi hwakakodzera kuraramwa nekuyemurwa? Hahusi kungorarama kwenyama chete—kungofema nokufamba. Uye kungogutsikana hakubvi mukuparapatika kutsvaka zvakawanda sezvaunogona muupenyu. Mafungire evaEpikuro okuti “ngatidye, ngatinwe, nokuti mangwana tinofa,” haana kuunza kugutsikana kuvanhu nguva dzose. (1 VaKorinte 15:32) Nepo munhu zvechokwadi aine zvinodikanwa zvekunyama zvinokosha zvakati kuti, anewo zvaanoda zvetsika nemagariro, tisingatauri zvinodikanwa zvekumudzimu, zvakabatana nekutenda muna Musikavanhu. Zvinosuruvarisa kuti, mazana emamiriyoni, kana asiri mabhiriyoni, avanhu anorarama zvinopfuura kungoraramawo nokuda kwemugariro unotambudza wenzanga nemhoteredzo munzvimbo zhinji dzapasi. Avo vanongotsvaka zvikurukuru kugutsa zvinodikanwa zvavo zvekunyama—kudya, kunwa, kuva nezvinhu, kana kuti kugutsa zvido zvepabonde—kumwero wakati vanorarama upenyu hunenge hwemhuka, hunovapa kugutsikana kushoma. Chaizvoizvo, havashandisi zvinhu zvinonyatsobetsera zvinogoverwa noupenyu kuzadzikisa kungwara kwemunhu nemanzwire aanoita. Uyezve, vose vanotsvaka kungogutsa zvido zvavo zveudyire havangotadzi chete kuwana zvakanakisisa muupenyu asiwo vanokuvadzawo nzanga yavanorarama mairi, uye havaiti zvinodiwa nevamwe.

Achitsigira izvi, mutongi anotonga vechiduku vanopara mhosva anoti “zvinetso zvetsika, kurumbidzwa kwevanhu vakakurumbira vasingazvibati, uye kubudirira nenzira dzinopfumisa dzekukurumidza uye dziri nyore” kunenge kuno“tsigira mudzimu wakawedzeredzwa wemakwikwi.” Izvi zvinotungamirira kumufambiro unokuvadza nzanga uye pwere, kunyanya kana dzikashandisa zvinodhaka.

Unoziva kuti upenyu hunopa zvinhu zvakawanda zvinokwezva—kuzorora munzvimbo dzinofadza, kurava kana kuti kunzvera kunofadza, ushamwari hunofadza, mimhanzi yakaisvonaka. Uyewo kune zvimwe zvinhu zvinounza kugutsikana kwakasiyana-siyana. Avo vanotenda zvakadzama muna Mwari, kunyanya muna Mwari weBhaibheri, Jehovha, vane zvikonzero zvakawanda zvekuda upenyu. Kutenda kwechokwadi kunopa simba norunyararo zvinogona kubetsera vanhu kubata nenguva dzakaoma. Vanodavira muna Mwari wechokwadi vanogona kuti nechivimbo: “Ishe ndiye mubatsiri wangu; handingatyi.” (VaHebheru 13:6) Vanhu vanoziva rudo rwaMwari vanonzwa vachidiwa naye. Vanobvuma rudo rwake, vachiwana mufaro mukuru marwuri. (1 Johane 4:7, 8, 16) Vanogona kurarama upenyu hwekushingaira nehwekuva nehanya nevamwe hunounza kugutsikana. Zvakangoita sezvakataurwa naJesu kuti: “Kupa kunomufaro chaiwo kupfuura kugamuchira.”—Mabasa 20:35.

Zvinosuruvarisa kuti kune chimwe chinhu kuupenyu huripo zvino. Kune kutambura kwakapararira, kusaruramisira, urombo, urwere, norufu—kungotaura chete zvimwe zvinhu zvinorwadza zvinoita kuti upenyu huome zvikuru. Mambo Soromoni akachenjera werudzi rwaIsraeri rwekare akanga akapfuma, aine simba, akanga aine zvinhu zvose zvinoita kuti vanhu vafare. Asi, pane chimwe chinhu chaimunetsa—kuziva kuti parufu aizosiira mumwe munhu zvose zva“akatambura kubata,” zvaakaita “nouchenjeri nezivo noumhizha,” zvaakanga awana.—Muparidzi 2:17-21.

SaSoromoni, vakawanda vanoziva kupfupika kwoupenyu, hunopfuura nokukurumidza zvikuru. Magwaro anoti Mwari “akaisa zvisingaperi mupfungwa dzedu.” (Muparidzi 3:11, Byington) Iyi pfungwa yezvisingaperi inoita kuti vanhu vafunge nezvekupfupika kwoupenyu. Pakupedzisira, pasina kuwana mhinduro dzinotendisa dzezvinoreva upenyu norufu, mumwe anogona kuremedzwa nekunzwa kwekushaya tariro nekushaya basa. Izvi zvinogona kuita kuti upenyu husuruvarise.

Kune mhinduro kumibvunzo yemunhu yekunetseka here? Kuchazombova nemigariro inoita kuti upenyu hufadze uye hupfuurire here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe