RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 8/1 p. 32
  • Rusaruraganda Nechitendero

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rusaruraganda Nechitendero
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 8/1 p. 32

Rusaruraganda Nechitendero

“PANDAKAUYA kuUnited States muna 1978, ndaifunga kuti America yakanga yanguri yapedza matambudziko ayo orusaruraganda, kuti vatema vaiva vanhu vakaenzana,” akataura kudaro Mark Mathabane, mumwe munyori akaberekerwa kuSouth Africa, paaibvunzwa nemagazini yeTime. “Mune zvakawanda, ndakaona ichocho chiri chokwadi. United States yairatidza kuva mberi kweSouth Africa nemakore zana. Zvadaro, ndakazorohwa nehana ndava kuona kuti, mumwoyo yevanhu hapana chakanga chanyanya kuchinja.” Chii chakamuita kuti azive izvozvo nenzira inoshamisa?

“Rimwe ramaawa anonyanya kusarurwa muAmerica ndi11:00 mangwanani musi weSvondo,” akadaro Mathabane. Akataura kuti kunyange muchechi, vanhu havadi kubatana nevorumwe rudzi mukunamata. “Vanganzwa sei mamwe mazuva evhiki yacho?” akabvunza kudaro. Achitaura nezvedzidzo sechinhu chinoita kuti uchinje, Mathabane akati: “Nedzidzo unoitwa kuti ubvume kuti vanhu vakaenzana.”

Zvapupu zvaJehovha zvinobvuma kuti dzidzo ndiyo mhinduro, asi zvinonyanya kurumbidza dzidzo inobva muShoko raMwari. Hungu, Bhaibheri rinozvibetsera kukunda misiyano yorusaruraganda—kunyange munyika dzine ruvengo rwakapararira. Vhiki yoga yoga muHoro dzazvo dzoUmambo, vanhu vamadzinza nemarudzi akasiyana vanoungana pamwe chete kuti vadzidziswe mitemo nezvinodiwa neShoko raMwari, Bhaibheri. Hapana mari inokumbirwa pamisangano iyi. Unokokwa kuti upinde!

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe