Uchenjeri Hwo“kufanoona Zvichaitika”
“VANHU vasisina pfungwa uye vasinganzwisise. Dai vaive vakachenjera, vangadai vachinzwisisa izvi uye vachifanoona zvichavaitikira.”—Dheuteronomio 32:28, 29, Beck.
Mashoko aya akataurwa naMosesi kuvaIsraeri zvavakanga vari pamuganhu weNyika Yakapikirwa. Mosesi aifanotaura nguva yavaizosiya Jehovha nokusava nehanya nemigumisiro yezviito zvavo. Mumazana amakore akatevera, vanhu vaIsraeri—kusanganisira madzimambo akawanda—havana kuteerera nyevero dzaMwari.
Somuenzaniso, Soromoni, aiziva mutemo waMwari wairambidza kuroora vanamati vavamwe vamwari kunze kwevaJehovha bedzi. (Dheuteronomio 7:1-4) Zvisinei, iye akaroora “vakadzi vazhinji vatorwa.” Chii chakazoitika? Nhoroondo yeBhaibheri inoti: “Soromoni wakati akwegura, vakadzi vake vakatsausa mwoyo wake kuti atevere vamwe vamwari; mwoyo wake hauna kuzova wakarurama kwazvo kuna Jehovha Mwari wake, sezvakanga zvakaita mwoyo waDhavhidhi baba vake.” (1 Madzimambo 11:1, 4) Kunyange zvake aive murume akachenjera, Soromoni akanga asina kuva nepfungwa dzoku‘fanoona’ zvaizoitika kana asina kuteerera murayiro waMwari.
Ko isu? Kana tikafanofunga zvakakwana zvisarudzo zvedu zvoupenyu tinogona kudzivisa kurwadziwa kukuru. Somuenzaniso, vaKristu vanorayirwa kuti va“zvinatse pamatsvina ose enyama noomweya.” (2 VaKorinte 7:1) Izvi kuchenjera, asi vakawanda havana pfungwa dzokufanoona zvingaitika kana vakasateerera zano raPauro. Somuenzaniso, pwere zhinji dzinosvibisa miviri yadzo nokuputa fodya, dzichifunga kuti izvi zvinodziita kuva shasha uye kuva vanhu vakuru. Zvinosiririsa sei apo dzakawanda dzadzo, pava paye muupenyu, dzinoguma dzava kurwara nehosha dzomwoyo, kenza yemapapu, kana kuti emphysema!
Zvinokosha kuti tinyatsofunga kuti zvatinosarudza nezvatinoita zvichaguma nei. Nechikonzero chakanaka, Pauro akanyora kuti: “Zvinodyara munhu, ndizvo zvaanochekazve. Nokuti unodyarira nyama yake, uchacheka kuora, kunobva panyama; asi unodyarira mweya, uchacheka upenyu husingaperi, hunobva kumweya.”—VaGaratia 6:7, 8.