Chimwe Chinhu Chiri Nani Pane Zvizoro
ATAURA nezve“betsero dzokunze” idzo vakadzi vanoshandisa sezvinowedzera kunaka, muapostora Petro akanyevera kuti: “Asi kunaka kwenyu kunofanira kuva munhu womukati wechokwadi, kunaka kusingaperi kwomudzimu munyoro wakanyarara, kunokosha zvikuru mukuona kwaMwari.”—1 Petro 3:3, 4, Today’s English Version.
Zvinofadza kuti muapostora paakanyora nezvekushonga kwekunze kwakadaro, akashandisa shoko rechiGiriki koʹsmos, ndiko kwakabva shoko rechiNgezi rokuti “cosmetic,” rinoreva “kunakisa zvi[kurukuru] ganda.” Petro akanga achida kurambidza vakadzi vechiKristu kushandisa ponzi uye zvimwe zvakafanana zvinonakisa here? Hapana chiri muShoko raMwari chinokarakadza kudaro. Asi rinobvumira kuzvisarudzira panhau iyi, saka kusarudza zvakasiyana muvanhu kunogona kutarisirwa.
Zvisinei, kana kuponza kukanyanyiswa, kana kuti kukaitwa kusvika pamwero wekukangaidza vamwe vakawanda, ipfungwai dziri kupiwa? Hahusi utsinye, kusava nemwero, kuva chapa, kushamisira, kana kuti kuzviona here? Chokwadi, zvinogona kuderedza chimiro chomukadzi, sezvinobvira kuchipa pfungwa dzakaipa kana toreva nezvetsika.—Enzanisa naEzekieri 23:36-42.
Achiziva izvi, mukadzi “anoti [nd]inonamata Mwari”, kana achinge asarudza kushandisa zvizoro, achaedza kuita kuti kumeso kwake kuratidze zvinhu zvinoti kunaka kwepfungwa, unyoro, mutsa, uye kuzvininipisa. Zvinhu zvakadaro zvichamuwedzera kunaka nokukwezva kwake. Chokwadi, nyange achisarudza kuponza kana kuti kwete, acharatidzira chiremera uye kunaka kwemukati. Izvi zvicharatidza kuziva kwake kuti, kune chimwe chinhu chiri nani pane zvizoro, sezvinorehwa nemashoko aPetro ataurwa pamusoro.—1 Timotio 2:9, 10.