RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 6/1 p. 32
  • Kuchengetedza Zita Rakanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuchengetedza Zita Rakanaka
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 6/1 p. 32

Kuchengetedza Zita Rakanaka

KUNYATSOONGORORA mufananidzo wakaisvonaka kunogona kuva chiitiko chine mubayiro. Achinyatsotarisisa, mumwe achaona kuti munyori wemifananidzo akashandisa sei mazana emitsara yebhuracho kuisa mavara akasiyana-siyana pamucheka.

Nenzira yakafanana, zita rakanaka rinotangwa, kwete nemutsara mumwe wakafara webhuracho, sokunge zvakadaro, asi nezviito zviduku zvakawanda kwenguva yakareba. Hungu, zvishoma nezvishoma mukurumbira wedu unokura nokuda kwezvatinoita.

Neimwe nzira, mutsara mumwe webhuracho ukaiswa pasiripo unogona kuderedza ukoshi hwemufananidzo. Ndizvo zvimwe chete nezita redu. Mambo akachenjera Soromoni akati: “Upenzi hwomunhu hunokanganisa nzira yake.” (Zvirevo 19:3) Zvinongoda hunonzi upenzi hushomanene—zvichida kuputika nehasha kune chisimba, kunyanyisa muzvinwiwa zvinodhakisa, kana chiito chounzenza chisina kuchena—kushatisa mukurumbira wako wakaisvonaka. (Zvirevo 6:32; 14:17; 20:1) Nokudaro, zvinokosha sei, kuti tiedze kuwana zita rakanaka uye toshanda noushingi kuti tirichengetedze.—Enzanisa naZvakazarurwa 3:5.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe