Mushumo Wevazivisi voUmambo
“Kuna Mwari Zvose Zvinobvira”
MASHOKO ari pamusoro, anowanikwa pana Mateo 19:26, akava echokwadi kumhandara yemuVenezuela. Pashure pokudzidza kuvimba naJehovha zvakazara, akakwanisa kukurira chinetso chakakomba. Anorondedzera achiti:
“Ambuya vangu vaiva nemutsa uye nerudo zvikuru. Zvinosuruvarisa kuti vakafa apo ndaingova nemakore 16. Rufu rwavo rwakandirwadza kwazvo. Ndakatanga kushushikana, ndisingadi kunyange kubuda mumba kuenda pachivanze. Ndakapedzisira ndava kunge zindoga chaiye.
“Ndaisaenda kuchikoro, uyewo ndaiva ndisina basa. Ndaingogara mukamuri rangu. Ndiri ndoga uye ndisina kana shamwari, ndakatambura nokuora mwoyo kukuru. Ndakanzwa ndisingakoshi zvachose uye ndichida kufa ndokugumisa zvose. Ndairamba ndichizvibvunza kuti, ‘Nei ndiripo?’
“Mai vangu vaimbogamuchira magazini eNharireyomurindi neMukai! kubva kune chimwe Chapupu chiduku chainzi Gisela. Rimwe zuva mai vangu vakaona Gisela sezvaaipfuura nepamba pedu uye vakamukumbira kuti andibetsere. Gisela akabvuma kuedza, asi ndakaramba kumuona. Izvozvo hazvina kudzivisa Gisela. Akandinyorera tsamba achindiudza kuti aida kuva shamwari yangu uye kuti mumwewo munhu anokosha kupfuura iye aidawo kuva shamwari yangu. Munhu wacho waaireva, aiva Jehovha Mwari.
“Izvi zvakandibaya mwoyo, uye ndakapindura tsamba yake. Takanyorerana kwemwedzi mitatu. Paingova pashure pekuedza nokukurudzira zvakanyanya kwaGisela apo pakupedzisira ndakawana ushingi hwekusangana naye. Patakasangana kekutanga, Gisela akadzidza Bhaibheri neni, achishandisa bhuku rinonzi Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano. Tapedza kudzidza, akandikoka kuzopinda musangano paHoro yoUmambo yemunzvimbo imomo. Ndakashamiswa. Ndakanga ndisina kumbobuda mumba kwemakore mana, uye pfungwa yokuva mumugwagwa yaityisa.
“Gisela aiva nemwoyo murefu neni kwazvo. Akandivimbisa kuti hapana chaityisa uye kuti aizoenda neni kumusangano. Pakupedzisira ndakabvuma. Patakasvika paHoro yoUmambo, ndakatanga kudedera nokudikitira. Handina kugona kumhoresa munhu upi noupi. Kunyange zvakadaro, ndakabvuma kuramba ndichipinda misangano, uye Gisela nenzira yokutendeseka akandishanyira vhiki nevhiki.
“Kuti andibetsere kukurira kutya kwangu, Gisela aienda neni kumisangano nokukurumidza. Taimira pamusuo ndokumhoresa vanhu vose sezvavaisvika. Nenzira iyoyo ndaitarisana nemunhu mumwe kana vaviri panguva, panzvimbo peboka rose nguva imwe chete. Pandakanzwa kuti ndakanga ndisingachazvigoni, Gisela akanditaurira mashoko ari pana Mateo 19:26 anoti: ‘Kuvanhu izvi hazvibviri, asi kuna Mwari zvose zvinobvira.’
“Kunyange zvazvo zvaisava nyore, ndakazokwanisa kupinda kumwe kuungana kwavanhu kwakatokura pagungano redunhu. Kwaiva kufambira mberi zvikuru sei kwandiri! Muna September 1995, ndakashinga kutaura kuna vakuru pamusoro pekuita ushumiri hwapaimba neimba. Mwedzi mitanhatu gare gare, muna April 1996, ndakaratidzira kuzvitsaurira kwangu kuna Jehovha nokubhabhatidzwa mumvura.
“Mumwe munhu paakandibvunza kuti ndakawana sei ushingi hwokuita izvi nguva ichangopfuura iyi, ndakapindura kuti: ‘Chido changu chokufadza Jehovha chikuru kupfuura kutya kwangu.’ Kunyange zvazvo nguva nenguva ndichiri kuora mwoyo, mufaro wangu unowedzerwa nokushanda kwangu sapiyona wenguva dzose. Ndichitarira shure, ndinofanira kubvumirana naGisela. Zvino ndave neShamwari inondifarira uye ‘inondipa simba.’”—VaFiripi 4:13.
[Mufananidzo uri papeji 8]
“Chido changu chokufadza Jehovha chikuru kupfuura kutya kwangu”