RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 5/15 p. 32
  • Chisimba—Chichapera Zvachose Nokukurumidza!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chisimba—Chichapera Zvachose Nokukurumidza!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 5/15 p. 32

Chisimba—Chichapera Zvachose Nokukurumidza!

“Chisimba Chinokuvadza Nyika”—The New York Times, United States.

“Chisimba Mumusha”—O Globo, Brazil.

“Chisimba Chinotyisidzira Vakadzi veNyika”—The Globe and Mail, Canada.

MISORO yenhau iyi inobva mumapepanhau kuChamhembe neKumaodzanyemba kweAmerica inoratidza zviri kuitika munyika yose zvinovhiringidza. Sokutaura kwakaita World Health Organization nguva pfupi yapfuura, “chisimba muzvimiro zvacho zvose chakawedzera zvinoshamisa mumakumi amakore achangobva kupfuura.”

Chimbofunga nezvemashoko aya:

Kuurayana. MuLatin America nemuCaribbean, vanhu vanenge 1 250 vanofa nechisimba zuva nezuva. Somugumisiro, “muhafu yenyika idzi, umhondi ndihwo chikonzero chechipiri chinotungamirira kukufa kwevechiduku vane makore 15-24.”

Chisimba chinoitirwa vana. Kubatwa zvakaipa, kushinhwa, uye kushatiswa kwepfungwa dzavana zvinetso zvepasi rose. Somuenzaniso, “kunzvera pavanhu vakuru munyika dzakabudirira dzinoverengeka kunoratidza kuti 10%–15% yevana vanova vanyajambwa vekushinhwa—vakawanda vavo vari vasikana.”

Chisimba chinoitirwa vakadzi. Pashure pekuongorora kusakosheswa kwekodzero dzavanhu kwakaitwa mupasi rose muna 1997, vanzveri vakagumisa kuti “chisimba chomudzimba ndicho chimwe chezvikonzero zvikuru zvokukuvara kwevakadzi munenge munyika dzose pasi rose.” (Human Rights Watch World Report 1998) Chisimba chomudzimba, zvachiri chinetso chakapararira asi chisingataurwi, zvino chinonzi “njodzi yakanyarara yezana ramakore rechi20.”—The Globe and Mail, Canada.

Nenzira yakafanana nyika yakanga ‘izere nechisimba’ mumazuva aNoa. (Genesi 6:9-12) Asi Jehovha Mwari akachengeta uyu “muparidzi wokururama” nemhuri yake vari vapenyu “nguva yaakauyisa mvura zhinji panyika yavanhu vakanga vasingadi Mwari.” Mwari achaita chiito chakafanana muzuva redu. Achachengetedza “vanonamata Mwari” paachabvisa chisimba neuipi ndokuchinja pasi kuva paradhiso munyika yake itsva yaakavimbisa. (2 Petro 2:4-9; 3:11-13) Haufari here kuziva kuti chisimba chichapera nokusingaperi nokukurumidza?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe