RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 5/1 p. 32
  • Kukunda Zvakaipa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kukunda Zvakaipa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 5/1 p. 32

Kukunda Zvakaipa

“IMBWA iyi yakafa ingatuka seiko ishe wangu mambo? Nditenderei henyu ndiyambukire mhiri, ndimugure musoro.” Ichi chikumbiro chakaitwa naAbishai, mukuru weuto rechiIsraeri. Ndizvo zvaakaita atsamwa paakanzwa ishe wake, Mambo Dhavhidhi, achitukwa zvisina kufanira nemuBenjamini ainzi Shimei.—2 Samueri 16:5-9.

Abishai akanga achingoita zvinhu zvinowanzotsigirwa nhasi—kudzima moto nemoto. Hungu, Abishai aida kuti Shimei aripe kunyomba kwaakanga aita Dhavhidhi.

Zvisinei, Dhavhidhi akaita sei? Dhavhidhi akadzivisa Abishai, achiti: “Muregei.” Kunyange zvazvo aisava nemhaka yezvaaipomerwa naShimei, Dhavhidhi achizvininipisa akadzivisa muedzo wokutsiva. Panzvimbo pezvo, akasiyira nhau yacho kuna Jehovha.—2 Samueri 16:10-13.

Dhavhidhi paakadzokera pachigaro pashure pokutiza kumukira kusina kubudirira kwemwanakomana wake, pakati pevakatanga kumumhoresa uye kumukumbira ruregerero aiva Shimei. Abishai akada kumuurayazve, asi Dhavhidhi akarambazve.—2 Samueri 19:15-23.

Mumuenzaniso uyu, Dhavhidhi akaratidza kuva mufananidzo wakakodzera waJesu Kristu, uyo muapostora Petro akanyora nezvake kuti: “Iye akati achitukwa, haana kutukazve; . . . asi akaisa mhaka yake kuna iye unotonga zvakarurama.”—1 Petro 2:23.

Nhasi, vaKristu vanorayirwa kuti va“zvininipise; [va]singatsivi zvakaipa nezvakaipa.” (1 Petro 3:8, 9) Tikatevedzera muenzaniso wakagadzwa naDhavhidhi naJesu Kristu, isuwo tinogona ku“kund[a] zvakaipa nezvakanaka.”—VaRoma 12:17-21.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe