Vatungamiriri Vanorumbidza Zvapupu
MUCÁDIZ, Spain, guta rechiteshi chezvikepe riri pamakiromita 500 kumaodzanyemba kwakadziva kumavirira kweMadrid, meya Doña Teófila Martínez akagashidza Zvapupu zvaJehovha bheji (rakaratidzwa pamusoro apa). Rakanzi: “Horo yeguta yeCádiz inopiwa Zvapupu zvaJehovha mukuonga kushandira pamwe kwavo nokutamburira guta iri.” Zvapupu zvakaitei kuti zviwane rukudzo urwu?
Rwakapiwa vachitenda basa rakanga raitwa neZvapupu zvacho rokugadziridzazve chikamu chenhandare yekanzuru yeguta racho. Pakupera kwemavhiki akati kuti, mazana eZvapupu akazvipira kubatsira kugadziridzazve zvimbudzi zveuriri hwokutanga zvenhandare yenhabvu yeCarranza. Zvino, vose vanoshandisa nhandare yacho vanobatsirwa nemapaipi, pombi, uye uriri zvakaiswa.
Kwenguva yakati, Zvapupu zvaJehovha zvakava neukama hwakanaka neguta reCádiz. Gore roga roga, kanzuru inoita kuti Zvapupu zvishandise Nhandare yeCarranza nokuda kwekokorodzano yazvo yeruwa yegore negore. Naizvozvo, Zvapupu zvacho zvinofara kuita zvazvinogona kuti zvibatsire kuchengeta nhandare yacho yakanaka.
Zvisinei, kuwedzera pabasa rinoitwa nemaoko, Zvapupu zvaJehovha zvinoshanyira nharaunda dzeguta racho nguva dzose kuti zvitsigire vanhu mune imwe nzira. Zvinozivisa “evhangeri” yoUmambo hwaMwari. Chokwadi, hazviiti ushumiri hwazvo hwapachena kuti zvirumbidzwe nevanhu. Hunoitwa mukuteerera murayiro waJesu wokuparidza ‘evhangeri youshe’ noku “dzidzis[a] marudzi ose.” (Mateo 24:14; 28:19) Nenzira iyi, Zvapupu zvaJehovha zvinotarisira kushandira nharaunda kuburikidza nokudzidzisa vanhu vari mu“nzira yakarurama.”—Zvirevo 12:28.