Mushumo Wavazivisi voUmambo
Kuparidza ‘Nenguva Yakafanira Kunyange Isina Kufanira’
HONDO payakapararira nenyika yeBosnia neHerzegovina, zviuru zvakatambura zvakanyanyisa. Munguva iyoyo yaiedza, Zvapupu zvaJehovha zvakaita zvose zvazvaigona kuti zvikurudzire nokupa vanhu tariro. Zvinotevera ndezvimwe zvaiva mutsamba yakanyorwa neChapupu chakashanda kwechinguva muSarajevo.
“Upenyu hwakaoma kuno, asi vanhu vanogamuchira chokwadi cheBhaibheri zvikuru. Zvapupu zvokuno muenzaniso wakaisvonaka wokutsungirira. Mune zvokunyama, vane zvishomanene, asi vane mwoyo wakaisvonaka. Vanenge vaduku vose vari muungano vari muushumiri hwenguva yakazara. Vaparidzi vatsva vanokurudzirwa nokushingaira uku, uye kakawanda vanoita maawa 60 kana kuti kupfuura muushumiri pamwedzi kubvira pamwedzi wavo wokutanga chaiwo mubasa.
“Kunze kwokuparidza paimba neimba, takaedza mimwe mitoo yakasiyana-siyana yokutaura navanhu. Somuenzaniso, takava nemigumisiro yakanaka yokugoverana mabhuku eBhaibheri munzvimbo dzamakuva dzakawanda dziri muguta.
“Uchapupu hwakapiwawo muzvipatara. MuDhipatimendi Rinorapa Zvirwere zveMwoyo rechipatara cheSarajevo, murapi mukuru akagamuchira Mukai! yaDecember 8, 1996, ine musoro wepabutiro unoti ‘Hosha Yemwoyo—Chii Chinogona Kuitwa?’ Akakumbira mamwe makopi kuitira kuti aape vamwe vanachiremba. Zvapupu zvakabva zvazobvumirwa kuti zvishanyire varwere vose vaiva mudhipatimendi rake. Nokudaro, munguva inongoti pfuurei awa imwe, magazini ose akasiyiwa pamubhedha woga woga anopfuura 100. Varwere vakawanda vakati yakanga iri nguva yokutanga kushanyirwa nomunhu muchipatara achizovakurudzira nokuvapa tariro.
“Pane imwe nguva Dhipatimendi Rinorapa Zvirwere Zvevana rakashanyirwa nenyaya dzomumagazini akakodzera vana. Murapi mukuru akagamuchirawo makopi mashomanene ebhuku raBhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri kuti aaise mukamuri rokuravira. Zvino vanamai vanoshanyira vana vavo muchipatara vanovaravira nyaya dzomuBhaibheri mazuva ose. Gadziriro dzakaitwawo dzokushanyira chiremba uyu kumba kwake.
“MuSarajevo mune zviuru zvevarwi veNATO [North Atlantic Treaty Organization] vemarudzi akasiyana-siyana. Avawo vakanyatsopupurirwa. Dzimwe nguva tinoenda kumotokari yehondo yoga yoga tichishandisa kabhuku kanonzi Good News for All Nations pamwe nemagazini eNharireyomurindi neMukai! mumitauro yakasiyana-siyana. Magazini anopfuura 200 akaparadzirwa muzvivako zvevarwi vechiTariyana. Zvinoshamisa ndezvokuti, varwi vechiTariyana vakawanda vakati vakanga vasati vambotaura neZvapupu zvaJehovha. Zvisinei, takataura navo muSarajevo.
“Rimwe zuva motokari yehondo yaiva yakapakwa padivi pomugwagwa. Ndakagogodza motokari yacho nesambureni yangu, uye makabuda murwi. Ndakamuratidza Nharireyomurindi yaiva nemusoro wepabutiro waiti ‘Nhume Dzorugare—Ndivanaani?’ Murwi wacho akanditarisa ndokuti, ‘Uri mumwe weZvapupu zvaJehovha here?’ Paakaziva kuti ndiri, akapindura kuti, ‘Zvinoshamisa; muri kunowo! Pane nzvimbo isina Zvapupu here pasi pano?’”
Muapostora Pauro akarayira kuti: “Paridza shoko; ramba uchidaro nenguva yakafanira, kunyange isakafanira.” (2 Timotio 4:2) Kufanana nevavanotenda navo munyika yose, Zvapupu zvaJehovha muSarajevo zviri kuita izvozvo, kunyange pamubhedha woga woga nepamotokari yehondo yoga yoga!