Zuva Rokuyeuka
Usiku hwakatangira kufa kwake, Jesu akagamuchidza vaapostora vake chingwa chisina kuviriswa nemukombe wewaini ndokuvarayiridza kuti vadye nokunwa. Akavaudzawo kuti: “Itai izvi, mugondirangarira.”—Ruka 22:19.
Gore rino kuchengetwa kwegore negore kwechiitiko ichi kunoitwa musi weChina, 1 April, zuva ranyura. Zvapupu zvaJehovha munyika yose zvichava zvakaungana pausiku uhwu hunokosha kuti zvichengete Chirangaridzo ichi nomutoo wakarayirwa naJesu. Unokokwa noushamwari zvikuru kuti utikumbanire. Tapota bvunza Zvapupu zvaJehovha munharaunda yako nguva chaiyo nenzvimbo yomusangano uyu unokosha.