RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 3/1 p. 32
  • Zita raMwari Rakadzorerwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zita raMwari Rakadzorerwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 3/1 p. 32

Zita raMwari Rakadzorerwa

“PASHURE pekunge zita rokuti Jehovha rabviswa mumaBhaibheri kwamakore akawanda kana zvimwe kwamazana emakore, zvapupu zvake zvomuzuva razvino uno ndizvo bedzi chitendero chechiKristu chinotsigira uye chakadzorera tetragrammaton.”a

Mashoko ari pamusoro apa anobva mubhuku rinonzi Jeová dentro do Judaísmo e do Cristianismo (Jehovha muchiJudha nemuchiKristu), rakanyorwa nemunyori wekuBrazil Assis Brasil. Asi mubvunzo ungavapo, Kunyange zvazvo shanduro shoma dzeBhaibheri dzichishandisa zita raMwari munzira dzakasiyana-siyana, nei zvimwe zvitendero zvakaribvisa mumaBhaibheri azvo? “Zita raMwari rakabviswa,” anodaro Brasil, “zvimwe nokuda kwekutenda mashura . . . , zvikonzero zvakavanzika, kana kuti kuda kukudza mazita aJesu naamai vake, Maria.”

Zvisinei, sezvo vaBrasil vakanyatsobudisa: “Kubviswa kwe[zita raMwari] kwainge kwagadziriswa chose chose muChiputukezi neNew World Translation of the Holy Scriptures.” Sei? Mukuti zita rokuti Jehovha rakadzorerwa munzvimbo yaro yakakodzera muBhaibheri. Zita rokuti Jehovha rinowanika kanopfuura 7 200 muNew World Translation.

Kubva pakutanga kubudiswa kwaro, makopi anotopfuura mamiriyoni matanhatu nechidimbu eshanduro yazvino uno, yakajeka akagoverwa. Naizvozvo, mumwe mutori wenhau achinyora mupepanhau rekuBrazil rinonzi Diário do Nordeste (Northeastern Daily) akanzwa achida kubvunza kuti, “Maiziva here kuti Mwari ane zita?” Nemhaka yeiyi shanduro yeBhaibheri yazvino uno, mamiriyoni zvino anogona kupindura kuti, “Hungu. Zita raMwari ndiJehovha.”

[Mashoko Omuzasi]

a Mumutauro wechiHebheru, zita raMwari rinonyorwa seizvi יהוה. Aya mavara mana (anoraviwa kubva kurudyi uchienda kuruboshwe) anotaurwa nezvawo kakawanda seTetragrammaton.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe