Uri Kufunga Zvokuroora Kana Kuroorwa Here?
Kana tikaenzanisa kurambana kwomunyika yose nokudengenyeka kwapasi, United States ndiyo yaizova pamusoro. Mune rimwe gore richangobva kupfuura, michato inopfuura miriyoni imwe yakagumiswa ikoko—avhareji yemiviri paminiti yoga yoga. Asi ungadaro uchinyatsoziva kuti United States haisi yoga ine nhamo yokuparara kwemichato.
MAERERANO neimwe fundo, kurambana kuri kuitika muCanada, England neWales, France, Greece, uye Netherlands kwakapetwa kanopfuura kaviri kubvira muna 1970.
Tine zvikonzero zvose zvokuti tidavire kuti vaviri vanoroorana nokuti vanodanana uye vanoda kupedza upenyu hwavo hwose vari pamwe chete. Zvisinei, zvinosuruvarisa kuti kufungidzira imba inofadza kazhinji kunongova izvozvo chete—kufungidzira. Pazvakazoitika chaizvo, vakawanda vakataura kuti vakakurumidza kuroora kana kuti kuroorwa kana kuti vakaroora kana kuroorwa nomunhu asiriye, kana kuti zvose.
Neiko michato yakawanda zvikuru ichikundikana? “Chikonzero chikuru kusagadzirira,” anodaro mumwe munyori webhuku rinotaura nezvekudanana. Anowedzera kuti: “Sezvandinotaura nevaviri vari kutambura nokuora mwoyo mumba ndinonzwa zvinhu zviviri—tsitsi nehasha. Ndinonzwa tsitsi nokuti havana kuwana zvavaifungidzira zveukama hunovagutsa vose zvechokwadi. Ndinonzwa hasha nemhaka yokusaziva kwavo nezvekuoma kwebasa racho.”
Chokwadi, vakawanda vanoroorana vachiziva zvishomanene kana kuti vasingatombozivi zvokuita kuti vabudirire. Asi, izvi hazvimboshamisi. Mumwe mudzidzisi akataura kuti: “Ipwere dzedu ngani dzinoenda kukoreji kunofunda nezvemaitire emakonzo nemadzvinyu, asi dzichitadza kudzidza nezvemaitire evanhu vaviri vanonzi murume nomudzimai?”
Uri kufunga zvemba here—zvingava zvokuroora kana kuti kuroorwa kwako mune ramangwana kana kuti zvekuroora kana kuti kuroorwa kwawakatoitwa? Kana zvakadaro, unofanira kuziva kuti ukama chaihwo chaihwo hwakasiyana nokure nehunoratidzwa mumabhaisikopo, mushoo dzeterevhizheni, kana kuti mumabhuku ezvorudo. Panguva imwe cheteyo, imba yevanhu vaviri vakura vanonyatsodanana inganzi chikomborero chinobva kuna Mwari. (Zvirevo 18:22; 19:14) Saka, ungava sei nechokwadi chokuti wagadzirira kutarisana nezvinodiwa zvokuroorana? Unofanira kufunga nezvezvinhu zvipi pakusarudza wokuroora kana kuti wokuroorwa naye? Kana kuti kana wakatoroora kare, ungawedzera sei kubvira kwokuwana mufaro usingagumi mumba yako?