RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 2/1 p. 32
  • “Rovedza Mwana”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Rovedza Mwana”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 2/1 p. 32

“Rovedza Mwana”

KURIMA bindu kunobudirira kunoda zvinopfuura kumwaya mbeu paivhu ndokuzodzoka mwedzi mishomanene inotevera kuzokohwa. Basa rakawanda rakaoma rinobatanidzwa mukugadzira ivhu, kudyara mbeu, uye kudiridzira nokutarisira zvirimwa zvacho kuitira kuti zvikure.

Izvi zvingaenzanisira zvakanaka chokwadi chemashoko aZvirevo 22:6, anoti: “Rovedza mwana nzira yaanofanira kufamba nayo, ipapo kunyange akwegura haangatsauki pairi.” Chokwadi, kurovedza kwevabereki chinhu chinokosha mukurera vana kunobudirira.

Zvisinei, munyika yanhasi inoregeredza, vabereki vakawanda vanokundikana kuteerera zano iri. Pavanotevera uchenjeri hwegamuchidzanwa hwokuti vana vanofanira kudzidza kugadzirisa zvinetso vega, vana vavo vanowanzosiyiwa kuti vazvionere. Nzira yakadaro inosiya vechiduku vava pangozi yokupesvedzerwa zvakashata nevanhu vasina tsika nevasina basa nezvinhu.—Zvirevo 13:20.

Zviri nani sei kuti vabereki vadzidzise vana vavo nheyo dzechiKristu vachishandisa kuranga kunodiwa naMwari vachiri vaduku zvikuru! Vachiri vaduku zvakadini? “Kubvira paucheche,” akadaro muapostora Pauro. Ndizvo zvakaitirwa jaya Timotio. Mai vake, Juniki, nambuya vake Roisi vakaroverera “manyoro matsvene” muna Timotio zvokuti aka“dzidza” uye aka“tendiswa.” Chii chakazoitika? Kurovedza kwakadaro kwakaita basa rinokosha pakumuita “akachenjera nokuda kwokuponeswa,” NW.—2 Timotio 1:5; 3:14, 15.

Zvakangofanana nhasi, vabereki vasinga“net[i] pakuita zvakanaka” vachakohwa mibayiro yakawanda kana vasinga“ori mwoyo.” (VaGaratia 6:9) Mambo akachenjera Soromoni anoti: “Baba vowakachenjera vachafara kwazvo.”—Zvirevo 23:24.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe