Chitsuwa Chiri Kure Uye Chiduku
MASHOKO anorondedzera anowanzoshandiswa kurondedzera chitsuwa cheSt. Helena ndi“kure” uye “duku.” Izvi zvakakodzera, nokuti chitsuwa ichi, chakareba makiromita 17 uye chakafara makiromita 10, chiri makiromita 1 950 kubva panyika iri pedyosa, muganhu wokumaodzanyemba kwakadziva kumadokero weAfrica. Pano ndipo pakaendeswa Napoléon Bonaparte muna 1815 kuti anopedzera makore ake akanga asara senhapwa yakanga yakurirwa.
Uchitarira uri mugungwa chitsuwa chacho chinooneka senhare inotyisa. Chaizvoizvo igomo raimboputika rinokwira richibva muAtlantic rine mawere akatenuka zvikuru akareba mamita 500 kusvikira ku700. Pakati paro, Mt. Actaeon, rakareba mamita 818, ndiro hombe pachitsuva chacho chose. Nemhaka yemhepo inotonhorera yeSouth Atlantic inovhuvhuta ichienda kudivi rimwe nemvura yegungwa, chitsuwa chacho chine mamiriro ekunze akanaka neanofadza. Asi kubva kumuganhu wakadzikira kusvikira kunzvimbo iri mukati ine makomo, kune mamiriro okunze akasiyana-siyana nezvinomera.
St. Helena yave ichidzorwa neBritain kubvira parutivi rwokupedzisira rwezana remakore rechi17. Nhamba duku yevanogaramo ye5 000 vanhu vakasangana vanobva kuEurope, Asia, uye Africa. ChiNgezi ndicho chinoshandiswa pachitsuva chacho chose, asi chinotaurwa nematauriro akasiyana. Pano hapana nhandare yendege; maendero aungangoita chete kunyika dziri kunze ndeokushandisa chikepe, nokupfuura nguva dzose nokuSouth Africa nokuEngland. Kutaura chokwadi, terevhizheni yenhepfenyuro yakatozovapowo pakati pema1990, nemhaka yekuiswa kwesatellite.
Pamavambo ema1930, mashoko akanaka oUmambo hwaMwari akasvika mhenderekedzo idzi kwenguva yokutanga. (Mateo 24:14) Mumakore acho, vagari vakawanda vepachitsuva vakagamuchira pfuma iyi inokosha inoita kuti pfuma yokunyama isambokosha. (Mateo 6:19, 20) Nhasi, St. Helena ine musiyano wereshiyo yevanhu 31 vangaparidzirwa neChapupu chimwe, yakanakisisa munyika yose!
[Mepu dziri papeji 24]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
St. Helena
JAMESTOWN
Levelwood
AFRICA
ATLANTIC OCEAN
St. Helena