Mushumo Wavazivisi Voumambo
Kutsvaka Mwari Wechokwadi Kunowana Mubayiro
MUZANA remakore rechigumi B.C.E., umambo hwendudzi mbiri hweJudha hwakakurirwa nokunamata kwenhema. Zvisinei, mumwe murume aiva nemwoyo wakarurama kuna Mwari aigara pakati pokunamata zvidhori uku kwakanga kwakapararira. Zita rake raiva Jehoshafati. Muporofita Jehu akati nezvake: “Zvimwe zvinhu zvakanaka zvakawanikwa kwamuri, nokuti maka . . . tsvaka Mwari nomwoyo wose.” (2 Makoronike 19:3) Zvakafanana nanhasi, mune dzino “nguva dzokutambudzika” mamiriyoni avanhu akatsvaka Mwari wechokwadi, Jehovha, ‘nomwoyo wose.’ (2 Timotio 3:1-5) Izvi zvinosimbiswa nechiitiko chinotevera chakaitika kuTogo, West Africa.
Casimir aipinda chikoro chechiKaturike uye akatanga kupinda Misa ane makore mapfumbamwe. Zvisinei, paakazosvitsa makore 14, Casimir akanga arega kuenda kuchechi. Izvi zvakamuita kuti agare achitya nemhaka yokuti aifunga kuti kusapinda Misa kwaizoguma nokuenda kwake kuhero yomoto, kana kuti zvimwe kupurigatori.
Kuchikoro Casimir akabatana neboka repwere dzaiungana kamwe pavhiki kuti dzifunde Bhaibheri. Akatangawo kurava Bhaibheri ari oga. Pane imwe nguva Casimir akarava nezvechikara chinotyisa chakabuda mugungwa mubhuku raZvakazarurwa. (Zvakazarurwa 13:1, 2) Paakabvunza mutungamiriri weboka rokufunda Bhaibheri nezvazvo, akaudzwa kuti chikara chacho chakanga chiri chikara chaicho uye chaizobuda mugungwa chaizvoizvo. Rondedzero iyi yakatambudza Casimir nemhaka yokuti aigara pedyo neAtlantic Coast. Aiva nechokwadi chokuti aizova pakati pevanhu vaizotanga kuparadzwa nechikara chacho.
Casimir akatanga kuchengeta mari yake kuti agotizira kurenje nechokuchamhembe kuitira kuti atize chikara chacho. Akaudza mumwe waaifunda naye nezvezvaaironga. Zvaakanga ari mumwe weZvapupu zvaJehovha, waaifunda naye wacho akamuvimbisa kuti hapana chikara chaicho chakadaro chaizobuda mugungwa. Kwapera chinguva, Casimir akakokwa kumisangano paHoro yoUmambo. Akanakidzwa nemisangano ndokutanga kupinda nguva dzose. Akabvumawo kufunda Bhaibheri pamusha.
Sezvo Casimir akaenderera mberi nokufunda kwake, akatanga kushorwa nemhuri yake. Mhuri yake yainamata madzitateguru uye yaidya nyama isina kubviswa ropa yaiva yasara pane yezvibayiro. Casimir paakaramba kudya nyama yacho achitaura zvakanaka, akatyisidzirwa uye akanzi abve pamba pacho. Casimir akaramba akaterama, uye zvaaityisidzirwa nazvo zvacho hazvina kuitwa. Zvisinei, kwemwedzi mitatu, nyama yakadaro bedzi ndiyo yaipakurwa pakudya kwemhuri. Casimir aiva nedambudziko rokuwana zvokudya zvakakwana, asi akatsungirira izvi nemamwe matambudziko.
Casimir akaramba achienderera mberi mumudzimu kusvikira azvitsaurira nokubhabhatidzwa. Gare gare, akazogadzwa somubatiri anoshumira ndokupinda kirasi yechina yeChikoro Chokurovedza Vashumiri muTogo. Panguva ino, ari kuita basa rokuzvipira pabazu.
Hungu, mashoko aMambo Dhavhidhi akaratidza kuva echokwadi zvakadini muzviitiko zvakawanda: “Kana ukamutsvaka [Jehovha], iye uchawanikwa newe.”—1 Makoronike 28:9.
[Mufananidzo uri papeji 8]
Casimir (ari kurudyi) anoita basa rokuzvipira pabazu