RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 1/15 p. 32
  • “Muri Zvatinotarisirwa naMwari Kuti Tive”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Muri Zvatinotarisirwa naMwari Kuti Tive”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 1/15 p. 32

“Muri Zvatinotarisirwa naMwari Kuti Tive”

VACHISHANDIRA pamwe nezviremera zvenyika “nokuda kwaShe,” vaKristu vanogona kutarisira ‘kurumbidzwa sevanoita zvakanaka.’ (1 Petro 2:13-15) Zvapupu zvaJehovha muSouth Africa zvakaitirwa izvi nguva pfupi yapfuura pakokorodzano yeruwa yavakaitira muhoro yepakoreji.

Pazuva rokutanga rekokorodzano, mapurisa anochengetedza epakoreji yacho akazvigadzirira nokuda kwenhamba yenguva dzose yevanhu vane hasha nevasingadi kushandira pamwe, sezvavanowanzoona zvichiitwa nemamwe marudzi ekokorodzano. Zvisinei, zvavakanga vasati vambobata neZvapupu zvaJehovha, vakanga vachizoshamiswa zvikuru!

Sokumwe kuongorora kwavo kwenguva dzose pamagedhi, mapurisa anochengetedza acho akaongorora motokari yoga yoga yaipinda nokubuda munzvimbo yacho. Vakashamiswa pavakakwaziswa noushamwari, kushivirira, uye kuremekedza, kunyange zvazvo kuongorora kwacho kwainonotsa nhume. Pakanga pasina zvokuramba kunogaroitwa nguva dzose, kupikisana, uye kutuka. “Kusiyana nevamwe vashanyi,” akataura kudaro mumwe mukuru mukuru wevanochengetedza, “munoratidza kuzvininipisa noruremekedzo runonyatsooneka kwatiri tose.”

Muchengetedzi mukuru wacho paakangoziva nezvetsika yokushandira pamwe yeZvapupu zvaJehovha, akafunga kuti zvakanga zvisina basa kuongorora motokari “nokuti,” akadaro, “munozvibata zvakazonaka.” Zvakazoitika ndezvokuti, motokari dzakanga dzakanamirwa zvinoratidza mvumo yokupaka zvakanyorwa kuti “JW” dzakabvumirwa kupinda dzisina kuongororwa.

Pakapera kokorodzano yacho, mukuru mukuru wevachengetedzi vacho akataura kuti aitarisira kuona Zvapupu zvacho zvadzokazve nokukurumidza. “Hatisati tamboona vanhu vane tsika zvakadaro,” akadaro. “Muri zvatinotarisirwa naMwari kuti tive.” Kurumbidza kwakadaro kunobatsira vaKristu vechokwadi kuti va‘ve nomufambiro wakanaka,’ kuitira kuti vanhu ‘vape Mwari mbiri nemhaka yemabasa akanaka kwazvo avanoona.’—1 Petro 2:12.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe