“Vanoreba somuSidhari Uri paRebhanoni”
PAMAKOMO akanaka eRebhanoni panomera miti inozivikanwa seArz Ar-rab, zvinoreva kuti “Misidhari yaShe.” Iyi miti mikuru inoramba yakasvibira, yakambofukidza makomo acho, inodudzwa muBhaibheri ka70—kakawanda kupfuura chero muti upi zvawo.
Kuti arondedzere miti mikuru yeRebhanoni, Magwaro anoshandisa mashoko okuti “wakaisvonaka” uye “wakanaka kwazvo.” (Rwiyo rwaSoromoni 5:15; Ezekieri 17:23) Kukura kwakaita musidhari nokugara nguva yakareba kunoita matanda awo zvakanguri zvatoita kuti ukurumbire pakuvaka dzimba nengarava pamwe chete nekugadzirwa kwefanicha. Kunhuwira norudzi rutsvuku rwematanda acho zvinokwezva zvikuru, uye masiridzi awo anoita kuti asaore uye asadyiwe netumbuyu. Miti yacho yakareba zvinotyisa uye mikuru, ichireba mamita 37 uye kutenderera mamita 12, uye ine midzi yakadzika, yakasimba. Hazvishamisi kuti vamwe vatarisiri vemasango vemazuva ano vakairondedzera se“mbiri yokupedzisira yezvinomera”!
Munyori weBhaibheri Ezekieri achiporofita akafananidza Mesiya nedavi remusidhari, raizosimwa naMwari pachake. (Ezekieri 17:22) Iro shoko racho rechiHebheru rokuti “musidhari” rinobva pashoko rinoreva kuti “kuva akasimba.” Nhasi, vateveri vaMesiya, Jesu Kristu, nenzira yakafanana vanofanira ku‘mira nesimba pakutenda, . . . vasimbiswe,’ somusidhari wakareba, wakasimba. (1 VaKorinte 16:13) Izvi zvingaitwa sei? Kupfurikidza nokuramba pesvedzero dzisiri dzechiKristu nokutsungirira zvakatsiga munzira yokutendeseka nokuzvipa kuna Mwari. Vanoita kudaro vanorondedzerwa muBhaibheri se“vakarurama . . . [vano]reba somusidhari uri paRebhanoni.”—Pisarema 92:12, The New English Bible.