RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 12/1 p. 32
  • Rudo Rwakasimba Kupfuura Rwamai

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rudo Rwakasimba Kupfuura Rwamai
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 12/1 p. 32

Rudo Rwakasimba Kupfuura Rwamai

PAZVITESHI zvezvitima, muzvimbudzi zvavose, kana kuti mumigwagwa inoshandiswa zvikuru, vanamai vari kurasa vana vavo vachangobva kuberekwa. Pane dzimwe nguva, vanotakura marara vakatombowana vana vacheche mumabhini vaneta nokuchemera vanamai vavo. Maererano neO Estado de S. Paulo, “nhau dzavana vanoraswa mumigwagwa dziri kuwedzera.” Chokwadika, mai vaduku vangazodemba zvavakaita gare gare. Asi, vanongozviita, kunyange hazvo zvingaurayisa mwana wacho.

Ungashamisika kuti, ‘Mai vangambofa vakafunga zvokurasira mwana wavo kune ramangwana risina chokwadi sei?’ Bhaibheri rinoshandisa zvinhu zvinosuruvarisa kudaro sedimikira rokusiyanisa zvakasimba manzwire anoita Musiki wedu kune vake chaivo: “Ko mukadzi ungakanganwa mwana wake waanomwisa, akasava netsitsi nomwanakomana wechizvaro chake here? Zvirokwazvo ava vangakanganwa, asi ini handingakukanganwi.”—Isaya 49:15.

Chaizvoizvo, kupfuura mai vomunhu vapi navapi, Mwari anotida zvikuru uye anoratidza kunzwisisa zvatinoda. Ungava uri munhu muduku kana kuti mukuru, ungava une chinetso chipi nechipi, hausi woga. Musiki wako anoda kukubetsera uye anofarira zvaunoita. Mumashoko owezvamapisarema, “baba vangu namai vakandirasha, asi Jehovha uchandigamuchira.”—Pisarema 27:10.

Munyika yose, magazini eNharireyomurindi neMukai! anobudiswa kuti ape zivo ya“Mwari uri woga wazvokwadi,” Jehovha, noMwanakomana wake, Jesu Kristu, inogona kureva upenyu husingaperi kune avo vanoipinza.—Johane 17:3.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe