RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 11/15 p. 32
  • Une Zita Rorudzii?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Une Zita Rorudzii?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 11/15 p. 32

Une Zita Rorudzii?

MUBHAIBHERI, shoko rokuti “zita” pane dzimwe nguva rinoreva mukurumbira womunhu. Somuenzaniso, Mambo akachenjera Soromoni akanyora kuti: “Zita riri nani kupinda mafuta akanaka, uye zuva rokufa kupinda zuva rokuberekwa kwomunhu.” (Muparidzi 7:1, NW; enzanisa naZvirevo 22:1.) Maererano namashoko aSoromoni, munhu haaberekwi ane zita rakanaka. Panzvimbo paizvozvo, anowana mukurumbira wakanaka une zvaunoreva chaizvoizvo muupenyu hwake. Zita rake rinoratidza mavara ake somunhu oga, kuti ane rupo here kana kuti anonyima, ane tsitsi here kana kuti haana, anozvininipisa here kana kuti anozvikudza, kunyange kuti akarurama here kana kuti akaipa.

Funga nezvaDhavhidhi. Munguva yake yaaiva mambo, akazviratidza kuti akanga akasimba uye asingachinji-chinji. Asi Dhavhidhi akabvumawo nokuzvininipisa zvikanganiso zvake ndokupfidza zvivi zvake zvakakomba. Nechikonzero chakanaka, muporofita waJehovha akaratidza kuti Dhavhidhi akanga ari “munhu unofadza mwoyo wa[Mwari].” (1 Samueri 13:14) Dhavhidhi muduku akanga atova nezita rakanaka naMwari.

Mukusiyana naizvozvo, Mambo wechiJudha Jehorami akazviitira zita rakaipa. Akaita kuti vanhu vaaitonga vasanamata Jehovha uye akatoita kuti vanun’una vake vatanhatu nemamwe machinda aJudha aurawe. Pakupedzisira, Jehovha akaita kuti Jehorami arware chirwere chinorwadza chakazoita kuti afe. Bhaibheri rinotaura kuti Jehorami “akaenda hake asingadikanwi,” kana kuti sokushandura kunoita Today’s English Version, “hapana munhu akanzwa tsitsi paakafa.”—2 Makoronike 21:20.

Mararamiro aDhavhidhi naJehorami anoratidza uchokwadi hwechirevo cheBhaibheri chokuti: “Kuyeukwa kwowakarurama kunovigira kuropafadzwa, asi zita rowakaipa richaora.” (Zvirevo 10:7) Naizvozvo mumwe nomumwe wedu anofanira kunyatsofungisisa mubvunzo wokuti, ‘Ndiri kuita zita rorudzii naMwari nehama dzangu?’

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe