RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 11/1 p. 32
  • “Ndianiko Wakaisa Uchenjeri Mukati Mamakore”?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Ndianiko Wakaisa Uchenjeri Mukati Mamakore”?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 11/1 p. 32

“Ndianiko Wakaisa Uchenjeri Mukati Mamakore”?

“KANA muchiona gore richikwira kumavirira, pakarepo munoti: Mvura ichanaya; zvoitika saizvozvo. Kana muchiona mhepo ichivhuvhuta ichibva Zasi, munoti: Kuchapisa kwazvo; zvoitika.” Aya mashoko aJesu, akanyorwa nomunyori weEvhangeri Ruka, mienzaniso yokutaurwa kwezvichange zvakaita mamiriro ekunze sezvazvaiitwa muParestina yakare. (Ruka 12:54, 55) Mune mamwe mamiriro ezvinhu, vanhu vakare vaigona kuona zviratidzo ndokufanotaura zvinhu zvakarurama zvenguva pfupi inotevera.

Nhasi, vanoona nezvemamiriro ekunze vanoshandisa zvishandiso zvakaoma zvikuru, zvakadai semaearth-orbiting satellite, Doppler radar, nemakombiyuta ane simba, kuti vayere mamiriro okunze kwenhambo refu. Asi zvavanotaura zvinowanza kunge zvisina kururama. Nemhaka yei?

Zvinhu zvakawanda zvinoita kuti kufanotaura mamiriro achange akaita kunze zvakarurama kuve kwakaoma. Somuenzaniso, kuchinja kusingagoni kufanoonwa kwetembiricha, unyoro, mhepo, nekumhanya kunoita mhepo uye kwayakananga zvinogona kuita kuti zvinhu zvacho zviome. Kuwedzera kuna izvozvi pane kuchinja-chinja kunoita zuva, makore, uye makungwa, zvisati zvava kunzwisiswa namasayendisiti zvakazara. Nemhaka yeizvozvo, kutaura zvichange zvakaita mamiriro okunze kunoramba kuri sayenzi isina kururama.

Ruzivo rwomunhu rwakaganhurirwa rwemamiriro okunze rwunotiyeuchidza nezvemibvunzo yakabvunzwa Jobho yokuti: “Ndianiko wakazvara madonhedza edova? Mazaya echando akabuda muchizvaro chaaniko? . . . Iwe ungasvitsa inzwi rako kumakore, kuti ufukidzwe nemvura yakawanda here? . . . Ndianiko wakaisa uchenjeri mukati mamakore matema? Kana ndianiko wakapa nyeredzi njere? Ndianiko ungagona kuverenga makore nouchenjeri hwake here? Kana ndianiko ungagona kudurura hombodo dzemvura dzokudenga?”—Jobho 38:28-37.

Mhinduro yemibvunzo yose iyi ndeyokuti, Haasi munhu asi Jehovha Mwari. Hungu, pasinei nokuti vanhu vangaratidza kuti vakachenjera sei, uchenjeri hwoMusiki hwedu hukuru zvikuru. Kutida kwake zvikuru kuti akaita kuti tiwane uchenjeri hwake mumapeji eBhaibheri, kuitira kuti tigogona kubudirira kufamba.—Zvirevo 5:1, 2.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe