Mushumo Wavazivisi voUmambo
Aimbova Mushori Anodzidza Chokwadi
ZVAKAWANDA zvakashumwa munhau nezvehondo yevanhu vanogara muLiberia. Makumi ezviuru akarasikirwa noupenyu hwawo, uye vakatowanda vakatapwa. Pasinei zvapo nokutambura uku, vanhu vane mwoyo yakatendeseka vakapfuurira kugamuchira chokwadi, sezvinoenzanisirwa nechakaitika chinotevera.
Kubvira pazera remakore gumi, James akadzidziswa neChechi yeLutheran. Paakava munyori wepepanhau rechechi, akashandisa nzvimbo yake kunyora zvairwisana neZvapupu zvaJehovha. Izvi zvakanga zvisinei nokuti akanga asati ambosangana nomumwe wazvo.
Nokufamba kwenguva, James akarega zvokunyora pepanhau rechechi ndokuva muridzi wehotera anobudirira. Rimwe zuva sezvaakanga akagara mukamuri rokusvikira vaenzi rehotera yake, hanzvadzi mbiri dzakanga dzakapfeka zvakanaka dzakamushanyira. Paakaona kuti dzakanga dzakapfeka zvakanaka, akadzipinza mukati. Asi padzakatsanangura chinangwa chokushanya kwadzo, akati, “Handina nguva yokutaura.” Zvapupu zvacho zvakamugovera kuzvinyoresa kwemagazini eNharireyomurindi neMukai!, uye akabvuma kuitira kuti vangoenda. Kwemwedzi gumi nemiviri magazini acho aiuya kumba kwake, asi akaaisa muchikweshe asina kana kumbobvisa zvakanga zvakaaputira.
Hondo yevanhu vanogaramo yakanga yava kurwiwa, nokudaro James akarongedza bhegi nemari nezvinhu zvinokosha kuitira kuti atize panongotanga kurwiwa. Mamwe mangwanani bhomba rakaputika seri kweimba yake, uye avhunduka akati bhegi rake nyamu ndiye tande achitiza kufa. Achibatana nezviuru zvevanhu vaitiza, aifanira kupfuura nomunzvimbo dzaiongororwa vanhu. Ikoko, vanhu vasina mhaka vaiwanzobirwa nokuurawa pasina nechikonzero chose.
Panzvimbo yokuongorora yokutanga, James akabvunzwa mibvunzo mishomanene ndokuudzwa kuti avhure bhegi rake. Paakavhura, akatarira mubhegi rake uye haana kugona kudavira zvaaiona. Akatya kuona kuti bhegi raakanga auya naro rakanga risiriro raiva nezvinhu zvake zvinokosha. Nemhaka yokutya kwake, akanga anhonga bhegi raiva nemagazini ose eNharireyomurindi neMukai! asina kuvhurwa. Zvisinei, murwi paakaona magazini acho ndokuona zita rake, akati: “Ha-a, uri mumwe weZvapupu zvaJehovha. Hatisi kutsvaka imi, tinoziva kuti hamunyepi.” Aburitsa magazini mashomanene mubhegi racho, murwi wacho akaudza James kuti aende hake.
Ndozvakaitikawo panzvimbo pfumbamwe dzokuongorora dzakasiyana-siyana, sezvo vakuru vakuru vevarwi vose vakafungidzira kuti James akanga ari mumwe weZvapupu zvaJehovha ndokumurega achienda asina kukuvadzwa. Zvino James akanga ava kufara kuti akanga asina kuunza zvinhu zvake zvinokosha nokuti kubva mune zvaakanga aona, angatodai akaurairwa zvinhu zvake.
Paakazosvika panzvimbo yokuongorora yokupedzisira yaityiwa zvikuru, akavhunduka paakaona zvitunha zvakati kuti zvakati rakata pasi. Asisagoni nokutya, akadaidza zita raJehovha. Akanyengetera kuti kudai Mwari aizomubetsera kupfuura panzvimbo iyi yaiurayirwa vanhu, aizomunamata kwoupenyu hwake hwose.
James akagashidza varwi bhegi rake, uye vakatizve: “Hatisi kutsvaga vanhu ava.” Vachitaura naye, vakatizve: “Imwe hama yako inogara zasi kwechikomo ichi. Enda undogara nayo.” Panguva iyi maonero aiita James Zvapupu akanga anyatsochinja. Akakurumidza kuonana nehama yacho, uye vakaronga kufunda Bhaibheri nebhuku raUnogona Kurarama Nokusingaperi Muparadhiso Pasi pano.a
Kwapera mazuva mashomanene, kurwisa kwakamumanikidza kuti atize nzvimbo yacho. Panguva ino, James akatizira musango akangobata bhuku rake raKurarama Nokusingaperi bedzi! Mumwedzi 11 yaakanga asingaonani neZvapupu zvaJehovha, akadzidza bhuku rake rose kashanu. Paakazokwanisa kudzoka kuguta, akatangisazve kufunda Bhaibheri neZvapupu ndokukurumidza kufambira mberi. Gare gare kwapera nguva pfupi, akabhabhatidzwa, uye zvino anoshanda nokutendeka nehama dzake dzomudzimu.
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.