“Isu vaKaturike Tine Zvakawanda Zvokudzidza Kwavari”
UKU kutaura kune chokuita neZvapupu zvaJehovha kwakaitwa nomudzidzisi muBari, Italy, paaidzidzisa nhau yorudzidziso muchikoro chesekondari. Mudzidzisi wacho akanga audza kirasi yacho kuti aizoshandisa makaseti evhidhiyo sezvokudzidzisa nazvo. Paakangonzwa izvi, mumwe wavadzidzi vacho, Roberto ane makore 18, akakarakadza kupinza chechi yake mukurukurirano yacho. Akapa mudzidzisi wacho vhidhiyo inonzi Jehovah’s Witnesses—The Organization Behind the Name. Akaigamuchira, uye kirasi yose yevadzidzi vanenge 30 yakaona vhidhiyo yacho. “Vose vakaororwa nokubatana kwacho, sangano racho, uye rudo rukuru rwunowanika muZvapupu zvaJehovha,” anodaro Roberto. “Vakatoshamiswa zvikuru kuziva kuti makopi mamiriyoni 40 eNharireyomurindi nemakopi mamiriyoni 36 eMukai! anodhindiwa mwedzi woga woga.”
Pashure pokuona vhidhiyo yacho vanoverengeka vomukirasi imwe chete naRoberto vakataura kuti: “Handina kufunga kuti makarongeka zvakadaro.” Achitaura nezveZvapupu zvaJehovha, mudzidzisi wacho akati kukirasi: “Onai kuti kutenda kwavo kunovasunda sei kuva vakabatana zvikuru uye vakarongeka. Isu vaKaturike tine zvakawanda zvokudzidza kwavari.” Vhidhiyo yacho nokukurukurirana kwekirasi kwakatevera zvakabetsera kuti Zvapupu zvaJehovha zvinzwisiswe zviri nane.