Zvikwangwani Zviri Mumugwagwa Unoenda Kuupenyu
KUDAI wanga uchifamba mumugwagwa kana kuti nzira yausina kujaira, ungaona zvikwangwani sezvinovhiringidza here? Zvimwe waisazodaro! Chokwadi ungazviona sezvinokubetsera kuti usatsauka munzira inoenda kwauri kuenda.
Zvisinei, zvakadini nokufamba mumugwagwa unoenda kuupenyu? Ungafambika zvakanaka usina zvikwangwani here? Mumwe muporofita waMwari wekare akabvuma kuganhurirwa kwavanhu murutivi urwu. Akati: “Ndinoziva, ISHE, kuti munhu haazvisarudziri nzira dzake; uye munhu haaziriye anofanira kuzvisarudzira nzira yake muupenyu.”—Jeremia 10:23, The New English Bible.
Ipapoka, ndokupi kunogona kuwanika nhungamiro inodikanwa? Musiki wavanhu ndiye anopa nhungamiro yakavimbika yakadaro, uye zvikwangwani zvokufananidzira zvinowanika muBhaibheri. Kupfurikidza neShoko rake, Jehovha anoti: “Nzeve dzenyu dzichanzwa shoko shure kwenyu, richiti: Heyi nzira, fambai nayo! Kana muchida kutsaukira kurudyi, kana zvimwe muchida kutsaukira kuruboshwe.”—Isaya 30:21.
Hungu, Shoko raMwari rinopa nhungamiro yakavimbika mumativi ose oupenyu hwedu. (Isaya 48:17; 2 Timotio 3:16, 17) Zvisinei, nenzira inosuruvarisa vanhu vazhinji vanofamba munzira inoenda kuupenyu vasingatungamirirwi naMwari. (Mateo 7:13) Zvisinei, zvikwangwani zvinoramba zviri munzvimbo yazvo! Uchazviteerera here sezvaunofamba munzira inoenda kuupenyu?