Bhaibheri Idzva muchiGiriki Chanhasi
MUSI wa23 August 1997, wakanga uri zuva rinokosha nokuda kwaavo vakanga vakaungana paKokorodzano Yoruwa yo“Kutenda Shoko raMwari” muGreece. Pakupera kwepurogiramu yamasikati, Bhaibheri idzva rakabudiswa—New World Translation of the Holy Scriptures muchiGiriki chanhasi. Vateereri vakanga vashamiswa vakagamuchira pakarepo nemisodzi yokufara uye nokuombera maoko kwenguva refu!
Kubvira muna 1905, Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvichishandisa shanduro yeBhaibheri yomuzana ramakore rechi19 yakabudiswa nomufundisi weGreek Orthodox. Bhaibheri iri rakavashandira zvakanaka kwamakore akawanda. Kunyange zvakadaro, kwenguva yakati Zvapupu zvaJehovha zvakarangarira kudikanwa kweshanduro yeBhaibheri yakanga yakarurama zvikuru uye iri nyore kunzwisisa. Muna 1993, zvakafara kugamuchira shanduro yechiGiriki yeNew World Translation of the Christian Greek Scriptures. Zvisinei, zvino zvakafara zvikuru kuva neBhaibheri rose muchiGiriki chanhasi.
Chimwe Chapupu chinoonga chakadana New World Translation kuti “nhetembo, mhepo ine inzwi raJehovha, ratinogona kunzwisisa zvakajeka mumutauro wedu kwenguva yokutanga.” Vamwe vakavamba kurava Bhaibheri ravo idzva pavakangosvika kumba. Mumwe akanga apinda kokorodzano aifara haana kuisa Bhaibheri rake pasi kusvikira na1:00 mangwanani, paakanga apedza kurava bhuku rose raJobho!
New World Translation of the Holy Scriptures muchiGiriki yakazovapo pashure pamakore manomwe ebasa rokushingaira. Imwe tsamba yakagamuchirwa yakati: “Munogona kuva nechokwadi chokuti New World Translation ichatiyamura zvikuru kubetsera vanhu vakatendeseka kuti vadzidze pamusoro paJehovha.”