“Batisisai Zvamunazvo”
Boka reZvapupu rakanga richiparidza mune chimwe chezvitsuwa zvinenge 30 zvinoumba Cyclades Islands yeGreece. Sezvo vaviri vavo vaifamba nomugwagwa, vakasangana nomupurisa akavaudza kuti vamutevere kukamba yamapurisa. Vachangosvika pakamba yamapurisa, runhare rwakarira. Akanga ari mupristi womunhauranda yacho. “Ndanzwa kuti munharaunda mune Zvapupu zvaJehovha,” akadaro. “Hungu, ndine vaviri pano,” mupurisa wacho akapindura kudaro. “Rega ndibve ndauyako.” Nematauriro aakaita, hama dzacho dzakatanga kutya zvishoma.
Zvisinei, paakasvika, mupristi wacho akanyemwerera, akavakwazisa, uye akagara pachigaro chaiva pedyo nomupurisa. Sezvavaikurukura, mupurisa akada kuita nharo asi mupristi akaramba akadzikama uye achiteerera. Akaudza mupurisa kuti asadukupisa Zvapupu, uye akawedzera kuti: “Vanogona kupindura mubvunzo upi noupi nemhaka yokuti vanorovedzwa neChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari. Zvingava nyore kuparadza nyika pane kuchinja kutenda kwomumwe weZvapupu zvaJehovha.”
Padzakanga dzichiparidza mangwanani akatevera, hama dzacho dzakasangana nomupristi wacho zvakare ndokubvunza kuti: “Nei makatifarira kwazvo patakanga tichikurukura tiri kukamba yamapurisa?” Mupristi wacho akavaudza kuti akanga achizivana neZvapupu zvakawanda zvomuSyros uye kuti akanga ave achirava magazini eNharireyomurindi neMukai! kwamakore akawanda. Kutaura chokwadi, nguva dzakawanda aitora magazini yeNharireyomurindi, oiviga mufaira rake, uye aiishandisa kupa mharidzo yake muchechi. Akataura kuti: “Handifungi kuti zvaibetsera kurarama dai ndisina mabhuku enyu. Ndiwo anondipa tariro.”
Gare gare, mupristi wacho akaudza Zvapupu kuti: “Ndinofanira kukuudzai chimwe chinhu. Batisisai zvamunazvo. Musaita mhosho yokurega. Zvandiri kukuudzai zvino ndiyo mharidzo yakanakisisa yandati ndambopa, uye handisi kungotaura chete; ndiri kurevesa nomwoyo wangu wose.”