Unogona Kusiyanisa Zvakanaka Nezvakaipa Here?
“Ndini ndakanga ndine mhaka yokuuraya vanhu vanenge 25. . . . Ndinozvirangarira usiku hwose, mazuva ose. Ndinoita madzikirira. . . . Ndinogona kuenda kune imwe nzvimbo ndokuona chiso chinondiyeuchidza nezvevanhu vandakauraya. Ndinoona izvozvo zvakajeka, kuita sokuti zviri kutoitika, iko zvino. . . . Handigoni kuzviregerera nokuda kwezvinhu zvandakaita.”—V.S.
“Ndakanzi ndipindemo uye ndiparadze muvengi. . . . Handina kumbomira kuti ndifunge nezvavo sevarume, vakadzi, uye vana. . . Panguva iyoyo uye kunyange zvino ndichiri kurangarira kuti ndakaita sezvandakarayirwa, uye ndakaita mirayiro yandakapiwa uye handioni chakaipa nokuita kudaro.”—W.C.
MUSI wa16 March 1968, varume vaviri vanokorwa mashoko pamusoro apa vakakumbanira mune zvaizonzi ubhinya hwomuhondo hunozvidzisa. Ivo, pamwe chete navamwe varwi, vakapinda mumusha muduku wokuVietnam ndokuuraya mazana evanhu vaigaramo—kubatanidza vakadzi, vana, uye varume vakwegura. Asi cherekedza kunzwa kwakasiyana kwavarwi ava vaviri. Sezviri pachena murwi wokutanga ari kunetseka nezvaakaita. Wechipiri ari kufunga kuti zviito zvake zvakanaka. Vanhu vaviri vanogona sei kunzwa zvakasiyana kwazvo kuchiitiko chakafanana?
Nhau yacho ine chokuita nehana—simba ratakapiwa naMwari rinotibetsera kuzvinzvera ndokutonga zviito zvedu nevavariro. Hana ipfungwa yedu yomukati yechakaipa nechakanaka.
Pakuita zvisarudzo, vamwe vanhu vanotendeukira kutsumo yokuti, “Hana yako ngaikutungamirire.” Zvisinei, nenzira inosuruvarisa, hana haivimbiki nguva dzose. Zvirokwazvo, vakawanda vakabvumira uye kunyange kuita zvinhu zvinotyisa, uye hana dzavo hadzina kana kumbovanetsa. (Johane 16:2; Mabasa 8:1) Mumwe munyori wokuEngland Samuel Butler akambotaura kuti, hana “inorega kurova kune vasingadi kuinzwa.”
Unogona kuvimba nehana yako here? Mhinduro inotsamira zvikurukuru pakuti yakarovedzwa sei, sezvicharatidza nyaya inotevera.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]
Mufanidzo wehondo uri pamusoro: U.S. Signal Corps photo